Mako 5

1 Vadoyambukila kumhili kwegungwa, kusvimbo yeGenesanesi. Jeso achibuluka mugwa. 2 Pakalepo padosvika munhulume kubva mumanda waiva nemoya wakaipa. 3 Munhulume aigala mumakuwa. Hapana aimukona, kunyangwe kana nengetani. 4 Waimbomusunga ne tambo ne nngetani, Waigwata ngetani ne tambo zvikapalala.Hapana waiita simba lekumusunga. 5 Aigala wusiku na masikati mumakuva ne mumakomo, aigala achichema achizvicheka -cheka namatombo akapinza. 6 Padoona Jeso ali chinhambwe , adomhanya kwaali akandogwadama kwa iye. 7 Adolila nadzinga likulu, Ndaita tini nemi , Jeso, Mwanalumbwana wakumusolo waDedza? Ndikukumbilanyi na Dedza pachake,musandihwadzise." 8 Ailewa kawali achiti, "Bulika mwaali mulumeyu, iwe moya wakuipa." 9 Adomubvunza, "Ndiwe ani zita lako?"Adomupindula , "Zitalangu ndini LIgiyoni, nakuti tidowanda." 10 Ado mugwigwilila futi nafuti alege kumudzinga munzvimbo. 11 Pakalelepo paiwa nahumba dzaipfuwiwa paduze ne gomo, 12 idomugwigwilila iye, kuti, Tipinzeyi muhumba: Ngatipindeyi madzili." 13 Adoitendela :moya wakaipa udobulika ndokupinda muhumba, dzidomhanya dzichidzika gomo kupinda mugungwa, chulu chiwili chehumba dzidowila mugungwa. 14 Pakalepo anyakuchengeta humba adotizila kuenda kwalewa zvange zvaitika ku guta na mumamisha, wanhu wadubuda kuuya kuzoona zvakange zvaiitika. 15 Wadouya kuna Jeso ndokuwana munhulume wamoya wakuipa , uyo wainge adopotelewa na moya wakuipa Ligiyoni, adogala ipopo, wamupfekedza njele dzaunzila: wadobatiwa nakucha. 16 Kuna wadoona zvidoitika panyakupotelewa munhulumeyu adowaudza zvidoitika zvachokwati, adotaulawo zvideitika ku humba 17 .Wadotanga kumugwigwilila kuti abulike munzvimbo yakaleyo. 18 Paadopinda mugwa, nyakupotelewa munhulumeyu adokumbila kuti ayende naye. 19 Jeso haana kumutendela, atodi kwaali,"Enda kumba kwako naku hamadzako uvaudze kupodzewa kwawaita na Dedza, na ntsisi dzawaitiliwa." 20 Pakalepo adobilika ndokuenda akunotaula paDecapolisi zvikulu zvadoitihwa na Jeso, zvikashamisa wanhu wose. 21 Asi Jeso adoyambukila mhili kwegungwa ali mugwa, chaunga chizinji chidomukombeledza, ali pamhela pegungwa. 22 Mubodzi wawakulu we sinagogi wainzi Jailosi adouya, padomuona, adowila pasi patsoka dzake. 23 Ado mugwigwilila na kumugwigwilila,adoti, "Mwanasikana wangu muduku ava paduze nakupfa. Ndinokumbilanyi, muuye mumutulike janja paali kuti apole na kulalama." 24 Pakalepo adoenda naye, luzhinji lidomulondola wakamumanikidzila wadomukombeledza. 25 Zvino pakalepo paiwe nomunhukadzi waibilika gazi kwemakole gumi na mavili. 26 Adotambudzika nakupedza madokotela na zvose zvaiwanazvo, asi panakuti apole zvaitonyanya kuwedzela. 27 Paadonzva ne zva Jeso , adouya pedyo naye ali muluzhinji ndokubata hembe yake. 28 Apo adoti, "Ndikabata hembe yache , Achandipodza." 29 Paadomubata,kubulika kwegazi kudomila, adonzva kuti mumuvili wache wapola kubva mumadzudzo yache. 30 Jeso pakalepo adonzva kuti simba lake lapela paali. Adotendeukila kuluzinji nokuti,"Mbani wabata hembe yangu?" 31 Adzidzi adoti kwaali, "Mukoona kuti pana luzhinji akukudzvinyidzilayi adokupoteledzayi, imi moti, "Mbani wakubatanyi?" 32 Asi Jeso ado cheuka kutailisa kuti aone adoita izvozvo. 33 Munhukadziyu , achiziva zvidoitika paali , adocha na kukugwagwadza. 34 Adouya ndokudonhela pasi ndokumuudza chokwadi pazvose. Adoti kwaali, "Mwanasikana,kutenda kwako kwakupolesa. Yenda mulugale uye uponesewe mumadzudzo yako. 35 Painge achili kutaula, wamwe wanhu wadouya kubva kumukulu wesinagogi, wachiti, "Mwanasikana wenyu wapfa.Ndawayeyi ulikumunetsa mudzidzisi ne zvazvo?" 37 Asi apo Jeso adonzva nhau iyi ichitauhwa, adoti kumukulu we sinagogi, "Leka kucha.Tenda chete". 36 Haana kutendela wamwe kuti wamupelekedze asi kunze kwa Petulo .Jemusi, na Joni, hama ya Jemusi. 38 Wadosvika kumba kwemukulu we sinagogi wakaona wanhu wachiita luzha lukulu:waichema ne kuungudza zvikulu. 39 Paadopinda mumba,adoti kwaali, "Mudogumbukileiko uye mukusvimheyi? Mwana haana kupfa asi adoenzela." 40 Wadomuseka. Asi wakabulitsa vose panze akatola baba wemwana na amayi nawakange ainawo, akapinda painge padolala mwana. 41 Adobata gwanja lomwana adoti kwaali, "Talita, kuumi!"zvichidudziliwa kuti,"Musikana muduku, Ndinoti kwauli, muka." 42 Pakalepo mwana akamuka ndokufamba[ ainge anamakole gumi namawili yekubelekwa]. Pakalepo wadoshamisiwa ne kugutsikana kunoshamisa zvikulu. 43 Adowatsimikidza kuti zvilege kuziikamwa nawani zvache.Adowaudza kuti wamupe zvinhu zvaangaje kuti aje.