Chikamu 4

1 Ipapo adotanga kufundisa kumhela kegungwa, chaunga chawanhu chakaungana chakamukombeledza. Iye adopinda mugwati laiwa pamhela pegungwa adogala pasi mukati . vanhu vose vaiwa kumhelakwegungwa 2 . adovadzidzisa zvinhu zvizhinji mufanikiso, muhufundisi hwake, izvi ndizvo zvadotaula kwaali. 3 Nzvitsitsayi! Mulimi adoenda panze gwajala mbewu . 4 Painge achijala ,dzimwe mbeu dzakadonhela munzila, shili dzokudenga dzikauya dzikaja. 5 Dzimwe mbewu dzidowila padandale padombo, paiwe pasina dhaka lakawanda.dzidomela, dzikatsva nekuti paiwa pasina dhaka lakawanda. 6 Asi zuva palidobuda, zvilimwa zvose zvidotsva , nokuti zvaiwa zvisina midzi,zvidooma. 7 dzimwe zvidowila mubanzi , mubanzi idokula ikadzivhunga ipapo hadzina kubeleka zvibeleko. 8 Dzimwe mbewu dzidowila muvhu lakanaka dzidobeleka zvibeleko dzikakula dzikawedzela makumi-matatu. Makumi-matanhatu, kuzvika pazana." pakalepo adoti 9 ,"Anenzewe dzokunzva, ngaanzve!" 10 Jeso painge aliwoga , awo waiwa padhuze pawo wanegumi nawawili wadomubvunza pamusolo pemufananidzo. 11 Iye adoti kwaali , kwauli udopiwa zvilatidzo humambo waDzedza .asi kuneawo walikunze zvose zvili mufanikidzo, 12 naizvozvo nangala , iye akanangala,hawoni, wanonzva hongu wanozva,asi havanzvisise, asiwakatendeuka Dzedza achawalekelela". 13 Adoti kwaali, "Hamunzvisise mufanikidzo?Muchanzvisisa mufanikidzo yose hele? 14 Mujali adokusha shoko. 15 Izvi zvanga zvili munzila makakushiwa shoko. Pawanonzva, Dhiabhulosi anouya nokukasika anotola shoko langa lakakushwa mawali. 16 Idzi ndidzo mbewu dzakakushiwa padhaga leluwale, pawanonzva shoko pakalepo wanoligamuchila nomufalo. 17 Asi halina kuisa midzi kwawali, Asi wanoshingilila.Mushule mokushunguludziwa nekumanikidziwa pakasimuka shoko, nokukasika likadonhela pasi. 18 Ipapo wamwe wakakushiwa mubanzi.Ndiwo wanonzva shoko, 19 asi nekuda kwezvenyika nezvinouya, Upfumi nezvishuwo nezvimwe zvinhu zvinopaladza shoko. 20 Izvo zvidokushiwa padhaka lakanaka, wamwe adonzva dzinga wakalitambila likabeleka zvibeleko makumi-matatu netanhatu kana zana. 21 Jesu adoti, "Ungaunza mwenje mukati meimba kuti muise mudengu kana kuti pasi pemubhedha?Unounza uye unoisa pachitsigiso. 22 Chose chidowanzika hachizikamwe, Hakuna chidowanzika chisingabude pachena. 23 Kana pane anenzewe dzokunzva ngaanzve. 24 Adoti kwawali, Tetekelayi kune zvamunonzva,zvipimo zvamoshandisa zvichashandisiwa kwamuli, uye zvizhini zvichatutsiliwa kwauli. 25 Nokudalo iye achapiwa zvizhinji. 26 Adoti, Umambo waDedza udofanana namunhu adojala pambewu padhaga. 27 Anolala mausiku achimuka makuseni, uye zvilimwa zvinokula nyangwe asingazive kuti zvakula sei. 28 Nyika inobeleka zviyo yoga : 29 Kana zvilimwa zvaibva, anokasika kutumila jeko goho lisati lasvika." 30 Pakale adoti ,Tingaenzanisa humambo waDedza kana mufanikidzo up iwatingashandise? 31 Zvidofanana nambewu yamastadhi, kana ichinge yajaliwa, ndiyo mbewu iduku pana dzsese mbewu dzose dzapanyika . 32 Asi ,kana ichinge yajaliwa, inokula kupinda mbewu dzose mumunda,inoita mabasi makulu, ne shili dzedenga dziita madele yadzo makale. 33 Namifananidzo idowanda adotaula dzinga kwaali , nepawaikwanisa kunzvanapo, 34 haana kukwanisa kutaulanawo pasina mufananidzo. Asi painge aliyega, adotsanangula zvose kuwadzidzi wake. 35 Pazuva ilelo, padozvika maulo, adoti kwawali, "Ngatiyambukilenyi kumhili." 36 Wadosiya luzinji, vadoenda naJeso, sezvaanga, mugwa. Paiwe nemamwe magwa aiwatewela. 37 Ipapo padomuka dutu laipenga chaizvo, uye mafungu yaipinda mugwa nekudalo igwa lange lazala ne mvula. 38 Asi Jeso pachake ange ali kumashule, adolala pamucheka. Wadomumutsa, wachiti, "Mudzizdisi, hamuna chido nesu tawa kupfa? 39 'Adomuka, adodziwisa dutu, akati kugugwa, "Lunyalalo!Tonhola " Dutu likadzikila, kukawa nekunyalala kukulu. 40 Adoti kwaali, "Senyi mukucha? Hamuna kutenda?" 41 Wakabatiwa nekucha wakati kune mumuwe nemumwe, "Mbani uyu,kunyangwe ne dutu le gungwa linomutelela?