Chikamu 3

1 Zvekale Jeso adopinda musinagogi, ipapo paiwa nomunhulume adokokonyala janja. 2 Wamwe wanhu waimutalisa nopadhuze kuti angapolesewa pasabata kuti wazomuposa mhosva. 3 Jeso adoti kumulume adokokonyala janja, ''simuka umilepano pakati powamwe wose.'' 4 Adotikuwanhu ,''zvinobvumidziwa kuti muite chakanaka pasabata kana kuita chinokuwadza,kupa hupenyu kana kubaya?'' Asi wadonyalala. 5 Adonangala kwawali noukali, ipopo adohwadziwa nokuomalala kwomwoya yawo, ipapo adoti kwaali, '''Tambanudzayi janja lako .''iye adotambanudza likadzoseleka 6 .Ipopo wafalise wadobuda pakalepo wadotanga kulonga nawaHelode kuti wangamupunze senyi 7 Ipopo Jeso, nawafudzi, wadoenda kugungwa, uye chaunga chowanhu chidozomutewela kubva kuGalili noJudea . 8 Nokubva Jelusalema nokubva Ldumea nemhili Jolidhani nokutendeledza Tile neSidoni, pawadonzva zvaaitiwa, chaunga chikulu chidouya kwaali. 9 Adoudza wafudzi wake kuti watole kagwati kadoko kadomilila nokuti chaunga, chisazomumbunyikidza . 10 Nokudalo adopodzoka wazinji, naizvozvo wose, wainzva kubatikana wadoenda kwaali wachida kamubata. 11 Pose paainangaliwa nomwoya, idopa, yaiwapambeli pake uye adolila asiti, '' Ndiwe mwanakomana waMwali .'' 12 Adowaunza kuti wasaite kutiaziwiwe . 13 Adokwila mugomo uye ,adoshedza wose waimuda, uye wakauya kwaali . 14 Adotendekedza wane gumi newawili (iwawo waadoti wadzidzi ) iwawo waizowanawo waaizotuma neshoko 15 ,nokuwa nosimba yokubudisa mwoya idoipa. 16 Adonongedzela wanogumi newawili Simoni ainzi Pita; 17 Jamusi mwana waZabhedhi, naJohani bhuti waJemusi, uyoadopiwa zita Bonangesi, ndokuti, mwana wokupenya, 18 naEndulu, Filipa, Bhatomiyasi, Tomasi, Mateyo, Jemusi, mwanakomana waAlufasi, Tadias, Simoni muZiloti, 19 uye Judhasi Isikalioti uyo adozomupandukila. 20 Ipopo adozoenda kumba, chaunga chidodzoka chose kamu, zvidozoita kuti wazotadza kuja chingwa. 21 Mhuliyawo paidozvinzva nozvazvo, wadoenda kamutola , nokuti wakat, '' Anopenga.' 22 'Wanyoli wadodzika wasibva Jelusalemu wadoti.'' uyu adogahwa neBelizabal'' Mukulu womadhimoni anotandaidza madhimoni.'' 23 Jeso adowasheedza kwawali asitaula kwawali mumafanikiso,'' Satani ahangabvise Satani? 24 Kana humambo hukapatsanuliwa, humambo ihoho haumile. 25 Kana imba idozvipatsanula pachayo , imba yakaleyo haingazomili. 26 Kana Satan adozvisimudza adozviwenga pachake haazokwanisa kumila, asi kuenda kumapeto . 27 Asi hapana angapinde mumba momunhu anosimba akamubilazvinhu zvake asinakumusunga, ipopo angapaladza imba yake. 28 Zvokwadi ndinotaula kwauli, zvitema zvako zvose mwanakomana womunhu zvichalegelelewa, 29 Asi wose anoshola achipikisa mwoya Mutsvene ahambolegelelewa asi imhosva yechiwi chisingagume,'' 30 Jeso adozvitaula nokuti adolewa,'' asi anemwoya idopa.'' 31 Zvino amai wake nanabhuti wake wadouya wakamila panze.Wakamutumidzila nhume kwaali. 32 Chaunga chakanga chidogala chidomutendeledza chidoti kwaali,'' amai nabhuti wakowali panze , walikukutsvaga.'' 33 Adowapindula kuti,'' Ndianiko amayi nababa wangu?'' 34 Adotalisa achitendelela kune wose wainga wakagala mumudendeledzwa akati , ''Nangalayi pano ndipo pana amai nanabhuti! 35 Kunawose wanoita basa laDedza, iwawo ndiwowana bhuti nanasisi, uye naamai.''