Chikamu 2

1 Adotiadzoka kuKapenamu kwapfula mazuwa mashoma, wakanzva kuti aiwa kumba. 2 Wanhu wazinji wadoungana naizvozvo painge pasina nzvimbo, nyangwe napamukowa, Jeso adotaula dzinga kwawali. 3 Nokudalo wamwe wanhulume wadouya kwaali nomunhu adooma mutezo; wanhu wana wanga wadomutakula. 4 Pawakatadza kusvika kwaali nokuda kwoluzinji, wadoenda pamusolo poimba wadobvisa denga pamusolo paJeso, mushule mokunge wavhula gwanza,wadomudzikisa munhulume adopala mutezo akalala pabonde. 5 Achinangala kutenda kwake, Jeso adoti kumunhulume adooma mutezo, ''Mwanangu, zvitema zvako zvalekelelewa. 6 ''Wamwe wanyoli waiwa wadogalapo wadofunga mumwoya mawo, 7 ''Senyi munhu uyu asilewa izvi? Anokwanisa kulegelela zvitadzo asi Dedza oga?'' 8 Nokukasika Jeso mumwoya make adoziwa zvawaifunga mumwoya mawo. Adoti kwawali, ''Senyi muchifunga izvi mumwoya menyu? 9 Ndochipi chidoleluka kuudza mulume adooma mitezo, 'Zvitadzo zvako zvalekelelewa' kana kuti' Simuka, utolebonde, lako ufambe'? 10 Asi mukulongeka munokwanisawo kuziwa kuti mwanakomana womunhulume ane masimba panyika okulekelela zvitadzo,'' 11 Ndinoti kwauli simuka, tolabonde lako, uende kumba kwako.'' 12 Adosimuka nokukasika adotola bonde lake, naizvozvo adobuda muimba napambeli pawanhu wose,wose adoshamisiwa nazvo wadopa lumbidzo kuna Dedza, iwo wadoti,'' Hatisati taona zvakadanyi .'' 13 Adobudazve adoenda nehwizi,chaunga chidouya kwaali,iye adowafundisa. 14 Painge asipfula adoona mwanakomana waLevi mwana waAifayasi adogala muimba yawatelesi adotikwawali, ''Nditeleyi. '' Adosimuka iwo wakamuteela. 15 Jeso waiwa aija muimba yaLevi watelesi wazinji nawatadzi waija wose nawafudzi wake, waiwawazinji waimutewela. 16 Wanyoli ,waiwawafalise,wadoona Jeso asija naatelesi nawadzidzi ,''Wadobvunza senyi asija nawatadzi nawatelesi?'' 17 Jeso padozvinzva izvi adoti kwaali ,''Wanhu wadosimba mwoyo nemunyama wasingade dhokotela, ;asi wadofesuka wanomuda.Handina kuuya kuzodana wadolulama asi vatadzi.'' 18 Naizvozvo wafudzi waJohani nawafalise wainge wasitsanya, Wamwe wanhu wadoti kwaali,''Senyi wadzidzi waJohani wasitsanya nawadzidzi wawaFalise ?'' 19 Jeso adoti kwawali,''wanhu wanouya kumuchato wanotsanya kana muchati achipo? Kunyangwe zvazvo wanemuchati hawatsanyi. 20 Asi nomazuwa anotewela muchati abvisiwa kwawali,mumazuwa iwawo, wasatsanya. 21 Hapana munhu anosona mucheka utsva pane chitsalu.Naizvozvo hapana chigamba chinobvaluliwa kubva kwachili,asichitsva kunechitsalu. 22 Hapana munhu anoisa waini itsva muhombodo tsalu.Munokwanisa kulasikiliwa nezvose waini nehombodo.Waini itsva inoisiwa muhombodo itsva.'' 23 Pazuwa lesabata Jeso adoenda nomukati nomukati nomunda wezviyo, naizvozvo wapfudzi wake wadotanga kunhonga zviyo. 24 WaFalise wadoti kwaali, ''Nangala, senyi mukuita zvinhu izvi zvisilizvo pazuwa leSabata?'' 25 Adoti kwali, ''Mudombowelenga zvidoita Dhavhita paidalubatsilo uye anenzala- iye nawalume waaiwanawo- 26 kuenda kwadoita kuimba yaMwali Abiata waiwa mukulu wemapulisita, wadoja chingwa chehuwepo, icho chaisatendelewa kujiwa newamwe kunze kwamapulisita, adopawo wamwe waiwanawo?'' 27 Jeso adoti,''Sabata lidogadziliwa nawanhu wadosiyana, kwete wanhu paSabata.' 28 Naizvozvo mwanakomana womunhu ndiDedza,nyangwe paSabata.''