Chikamu 6

1 Adobuda imomo akadzokela kumba kwawo, uye wafudzi wake wadomutewela. 2 Padosvika Sabata, adopfunditsa musinagogi. Wanhu wazinji wadomunzva wadokachamidziwa.Wakati, ''Adowana kupi dzidziso idzi?'' ''Hwuchenjeli hwudodai adohwuwana kupi?'' ''Ndoipi munana yaanoita nomanja?'' 3 ''Haasi muwez i, mwanakomana waMalia uye bhuti waJemusi naJosesi uye Judhasi naSimoni? Wana sisi wake hatisi nawo pano? ''Wadogumbukihwa na Jeso. 4 Ipopo Jesu adoti kwawali, ''Mupolofita haangatadze kukudziwa, kusala muguta make uye nemuhama dzake uye muimba make.'' 5 Aisagona kubata chelo basa lidonaka asi adotulika manja pamusolo powaifesuka uye adowapodza. 6 Adoshamisiwa nokusatenda kwawo. Adobva aenda achitendelela nomumamisha asipfundisa. 7 Adodeedza wane gumi newawili uye akatanga kuwatumila wawili wawili, uye adowapa mvumo pamusolo pomweya idoipa, 8 uye kuti wasatola chelo chinyi pahwendo, kusala kwotsvimbo _ kana chingwa kana hombodo, kana mali mumabhande_ 9 asi kuti wapfeke shangu uye wasasimila nguwo mbili. 10 Adoti kwawali, ''Pose pamusazopinda mumba, lambai mulimo kusvika mabulika. 11 Kana kunolimwe guta lisina kukutambilanyi kana wasina kukutelelanyi, kana mabulika panzvimbo, zunzanyi guluwa mutsoka dzenyu sochapupu kwawali.'' 12 Wadobuda wakanokuludzila wanhu kuti wanofanila kutendeuka. 13 Wadobuditsa madhimoni,uye wadozodza wanhu waifesuka nomafuta uye akawapodzeka. 14 Mambo Helodhe pawadonzva, zvaJeso' zita lake kuti lanyanya kuziwikana.Wamwe waiti, '''Johani Mubhatidzi wamuka kuwadopfa, ndiko kusaka minana inosimba ili kushanda maali. 15 ''Wamwe waiti, ''ndiElija. ''Asi wamwe waingoti, ''Mupolofita, somumwe wapolofita wenguwa inouya. 16 Asi Helodhe paadozvinzva adoti, ''Johani, wandidodambula msolo, kuti amuka.'' 17 Nokuti Helodhe adotuma kuti Johane asungiwe uye kuti avhalihwe mujeli nomhaka yaHelodhiasi {munhukadzi wabhuti waFilipi}, nokuti ainga amuloola. 18 Nokuti Johani adoudza Helodhe, ''Hazvisi pamutemo kwauli kuti utole munhukadzi wabhuti wako. 19 ''Asi Helodhiasi adoita chigumbu naye uye adoda kumubaya, asi haana, 20 nokuti Helodhe aicha Johane, aiziwa kuti aiwa adotendeka uye aiwa adolulama, Kumutelela kwakaita kuti wakanganisa,waisada kumunzwa. 21 Ipopo zuwa lidolingana lakasvika Helodhe aiwa nebhavadhe lake uye akakadzilila kuja kwemadeko kwowanomutewedzela nezvo wakulu womauto uye watungamili wo Galili. 22 Mwanasikana wa Helodhiasi adouya pachake akatamba kwawali,uye adolumbidziwa naHelodhe newaenzi wake. Mambo adoti kumusikana, Ndikumbile chelo chauneda uye ndisakupa.'' 23 Adopika kumwanasikana asiti, ''Chose chausakumbila kwandili, ndisakupa, kusvika kuchikamu chehumambo hwangu.'' 24 Adoenda kuna amai wake, ''Ndinokumbilenyi kwaali?'' Adoti , ''Musolo musolo waJohani Mubhabhatidzi.'' 25 Ipopo nokukulumbidza adodzokela kuna Mambo, iye adobvunza, asiti, ''Ndinoda mundipase, izvozvi , musolo waJowani muBhabhatidzi pandilo yechimuti.'' 26 Chelo zvazvo zvidoshunguludza Mambo, haizogona kulamba chikumbilo nokuda kwokupika kwawakaita uye newaiwa wakakakoka. 27 Nokudalo mambo adotuma mauto kuno waimuchengeta uye wakulu wemauto kuti wauye nomusolo waJohane. Wachengeti wakaenda uye wakamugwata musolo wake. 28 Adouya nomusolo uli mundilo akaupa kuno musikana, uye musikana adoupa amai wake. 29 Ipopo wadzidzi wake pawadozvinzva izvozvo, wadouya uye wadotola muwili wake wakauisa muguwa. 30 Wapfundisi pawadouya pabodzi naJeso uye wadomuudza kuti zvose zvawanga waita uye kudzidzisa. 31 Ipopo adoti kwawali, ''' Huyai pachenyu panzvimbo mulenje uye mupumhule kwokanguwa.'' Nokudalo wamwe waiuya wamwe wasienda, uye waiwa wasina nguwa yokuja. 32 Nokudalo wakabuda wali mugwati wasienda munzvimbo yomulenje pachawo. 33 Asi pawadomuona wasibva kwawali wazinji wakawaziva, uye wakamhanya pabodzi notsoka dzawo mumaguta ose, wakawatangila kusvika. 34 Pawadosvika mumahombe_kombe, adoona chaunga uye adovanzvila tsitsi nokuti waiita so hwai dzisina mupfudzi. Nokudalo akatanga kuwapfundisa zvidowanda. 35 Nguwa paidopela, wadzidzisi wadouya kwaali uye wadoti, ''Iyi inzvimbo yomulenje uye nguva yatopela. 36 Watumeyi waende kule nokudalo vanoenda munzvimbo dzili mumaluwa nomumamisha kuti vanozvitengela chelo chokuja pachawo.'' 37 Asi adowapindula uye wakati kwawali,''' Wapasei chelo chokuja,'' Iwo wakati kwaali, ''Ngatiendei uyetinotenga mazana mawili edhinali anokwana zvingwa uye muwape kuti waje?'' 38 Adoti kwawali, ''Mune zvingwa zvingani? Endai munoona.''Pawakano talisa, wakati, Zvingwa zvishanu ne howe mbili.'' 39 Adolaila wanhu wose kuti wagale pasi muzvikwata pamusolo pousva unyolo. 40 Wadogala pasi muzvikwata zvo zana nomakumi mashanu. 41 Adotola zvingwa zvishanu uye ne howe mbili, uye nehowe mbili uye asitalisa kudenga adozvilopafadza uyeaka mhedula zvingwa akapa kuwadzidzi wagale kumashule kwowanhu.Adopatsula howe mbili kwawali wose. 42 Wose wadoja kusvika wagutsikana. 43 Wadotola zvimedu zvochingwa, matengu gumi nomawili adozala, uye zvimedu zvohowe. 44 Paiwa nevanhu mazana mashanu wadoja zvingwa. 45 Nokulumbidza adoita kuti wadzidzi wapinde mugwati uye kuenda naye kuno lumwe lutiwi, kuBetisaidha, apo akatuma chaunga. 46 Pawakaenda adokwila mugomo kanamata. 47 Madeko aadouya, uye gwati lakanga lava pakati pogungwa,uye aiwa oga panyika. 48 Adoona wasitambudzika nomafungu, nokuti kwaiwa nomhepo kwawali. Nonguwa dzoina dzomadeko adouya kwawali, asifamba pamusolo pogungwa, uye aida kupfuula nopawali. 49 Asi pawadomuona asifamba pamusolo pomvula, wadofunga kuti chipoko uye wadochema, 50 nokuti wadomuona uye wadoshaya zvokuita. Nokukulumbidza adotaula kwawali uye akati kwawali, ''Iwai nekuzvisimbisa! Musacha!'' 51 Adobva akwila mugwati nawo, uye mhepo ikapela kuvhuvhuta.Wose wadoshamisiwa. 52 Hawana kunzvisisa zvailewa chingwa. Zvakadalo, mwoyo yawo yaiwa idooma. 53 Pawadodalika , wadosvika panyika yeGelisaneti adobuluka mugwati. 54 Pawakabuluka mugwati, wakamuziwa nokulumidza, 55 uye wakamhanya nonhalaunda yose uyewakatanga kuuya nowadofesuka wali mumaponde pose pawainzva kuti ali. 56 Pose, paaipinda mumisha, kana maguta, kana munyika, waisa wadofesuka munzvimbo dzinotengeselewa.waikumbila kuti wagobata kumapeto egemenzi, uye wazinji waimubata waipolesewa.