Chitsauko 5

1 Akaswika mbiri kwe gungwa nyika yawagerasi. 2 Ipapo Jesu akabhuda mutchikhepi, umwe murume ane mweya yakaipa atchibhuda mumakuwa akauya Kwaari. 3 Murume aigara kumakuya. Apana waikwanisa kumusunga kana ne ngetani. 4 Iye akanga akasungwa kajinji ne ngetani asi waidziguna uye apana munhu aikwanisa kumukunda. 5 Usiku nemasikati wose, kumakuwa ne kumakomo, iye atchidhaidzira nekuzvitchekatcheka nematomba. 6 Paakawona Jesu nekure, akamhanya uye akapfugama pamberi Pake. 7 Iye akadhaidzira neizwi guru: ''Ndinei nemi Jesu, Mwanakomana wa Mwari wekumusoro? Ndinopika na Mwari kuti murege kundirwadzisa''. 8 Nekuti Jesu akanga amuti: ''Bhudha mumunhu uyu, mweya yakaipa''. 9 Naizvozvo Jesu akamubvundzisa: ''Unozwi ani?'' Iye akadhaira atchiti: ''Zita rangu ndinozwi Rigioni, nekuti takawanda. 10 Uye waikumbira Jesu kuti asadzingwe munyika iyoyo. 11 Pakanga paine mukumbi mukuru wenguruwe dzetchirya mugomo, 12 uye mweya yakaipa yaimukumbira zvikuru, yetchiti: ''Titumirei mu ngurue tipinde madziiri''. 13 Uye Jesu wakatendera. Ipapo mweya ye tswina ikabhudha ikapinda mu ngurue. Mukumbi zve zvuru zviwiri zvengurue. Ukamhanyira kunopinda murwizi kubva dzafa. 14 Wanhu wakanga watchipfudza nguruwe wakatiza, wakaenda kotaurira we muguta ne wekumunda, na wese wanhu wakaenda kowona zvakanga zvaitika. 15 Pawakaswika kuna Jesu, akawona akanga aine mweya yakaipa, akagara, akapfeka, nekufunga zvakanaka, uye iwo wakatya. 16 17 Waya wakawona zvakaitika ne munhu akanga ane madimoni akataura zvangazwaitika kuna iye neku ngurue. Wakatanga kukumbira kuna Jesu kuti wasiye rigioni yawo. 18 Paakanga arikupinda Iye mutchikepi, murume akanga ane madimoni, akakumbira kuna Jesu kuti wafambe naye. 19 Jesu anakutenda, asi akati: ''Enda kumba kwako, kuna hama dzako udziudze minana yawaizirwa, uye wataurire zvi zvawaitirwa na Jesu''. 20 Ipapo murume akaenda akatanga kutaura mu Decapolisi zvikuru zvaakaizirwa na Jesu. Uye wese wakashamisika nazvo. 21 Jesu paakaendazve ku mhiri kwe gungua, mutchikepi, wanhu wajinji wakawungana paanga Ari, paanga Ari pedjo ne gungwa. 22 Pakaswika mumwe mukuru we sinagoga, aizi Jairosi, akadhonera pamakumbo ake paakamuwona. 23 Iye aikumbirisa, atchiti: ''Mwana sikana wangu arikufa. Ndinokumbira kwaMuri kuti muwuiye komuyisa mawoko enyu kuti apore nokurarama''. 24 Ipapo Jesu wakaenda naye. Wanyu wajinji Watchimutera wetchimukomboredza. 25 Pakanga pane mukadzi aitambudzika, atchibudha ropa makore gume nemawiri. 26 Iye akatambudzika zvikuru pakurapwa kwake, akapedza mari yakawanda. Asi apana tchaimubhatsira, zvaiwedzera. 27 Akanzwa kutaura nezva Jesu, akawuya nekumasure akapinda murujinji akabhata mupendero we hembe ya Jesu. 28 Nekuti iye aiti: ''Tchero ndikabhata mbasha dzake, nditchaporeswa''. 29 Panguwa iyoyo, mukadzi wakanzwa kuporeswa kwe nhamo dzake. 30 Naizvozvo, Jesu akanzwa kubhuda kwe simba rake. Akatcheuka, pakati pe rujinji, uye akabvunza: ''Ndiyani abhata muphendero wangu?'. 31 Wadzidzi wake wakamuti: ''Murikuwona wanhu wajinji watchimugwenedzai uye moti: 'Ndiyani andibhata?''. 32 Ipapo Jesu akatarisa mumatcheto kuti awone ndiyani amubhata. 33 Mukadzi atchiziwa zvakanga zvaitika akatya uye akatetemera. Iye akawuya, wakadhonera pa mberi pa Jesu akataura tchokwadhi. 34 Ipapo, wakati kwaari: ''Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda murugare sunungurwa paurwere pako''. 35 Iye atchitaura, wamwe wanhu wakabva kumba kwe mukuro we sinagoga, watchiti: ''Mwanasikana wako wafa. Ngei utchiri kunetsa Mudzidzisi?'' 36 Asi Jesu paakanzwa kutaura kwawo, akati kune mukuru we sinagoga: ''Usatye. Tenda tchete''. 37 Uye apana wakatendera kuperekedzwa Naye, kundze kwa Pita, Jakobo, kwa Johane, hama ya Jakobo. 38 Pawakaswika kumba kwemukuru we sinagoga, wakanzwa Jesu, kutchema, uye waya waitchema ne izwi kugru. 39 Pawakapinda Iye mumba, akawati: ''Ngei munonyunyikana uye metchitchema? Mwana aana kufa asi akarara. 40 Wakamuseka Jesu, naizvozvo wakabvisa wese kundza, wakatora baba na mai, ne waya wakanga Wanaye, wakaenda kwakanga kuyine mwana. 41 Akabhata mawoko emwana, akati kwaari: Tarita cumi'', zvinorewa: ''Musikana, Ini ndinoti kwawuri: 'Simuka'. Pakarepo musikana akasimuka akafamba (Nekuti iye akanga ane makore gumi nemawiri). 42 Ipapo wakawa nemupfaro mukuru. 43 Jesu wakawataurira atchiti kuti apana munhu anofanira kuziwa zvakanga zvayitica, uye akati, mupei tchokurya musikana.