Chitsauko 15.

1 Pamangwanani, waprista wakuru wakasangana ne wanyori ne wachenjebvu ne wese namakorota wese. Iwo wakasunga Jesu, wamutora wakamuendesa kuna Pirato. 2 Pirato akabvunza: ''Iwe ndiwe Mambo we ma Juda here?''. Iye akadaira achiti: ''Ndizvo zwamurikutaura''. 3 Wakuru wakuru we mapirista waipomera mbhoswa kuna Jesu. 4 4 Pirato waibvunza vzekare ; Iwe aupinduri tshindhu? Ausi kuwona mbhoswa dza warikukupomera? 5 Asi jesu wanga asinga pinduri pirato , uye ivzi vzakamuchamisa. 6 Pa nguwa yemutambo, chakanga chiriri chirayiro kuti Pirato asunungure mumwe musungwa. 7 Pamwechete nemodhi dze mujeri dzakanga dzakasungwa newaya wekupandukira hurumende, Panga pane murume aizi Barabasi. 8 Wanhu wajinji wakawuya kuna Pirato wakatanga kumukumbira kuti aite chakanga chiri chirayiro. 9 Pirato akawadaira: ''Munoda kuti nditsunure Mambo we madjuda?'' 10 Nekuti Iye aiziya kuti maprista wakuru wakanga waisa Jesu kwaari nekuda kwegodo. 11 Asi waprista wakuru wakawafurira kuti warambe wachidaidzira, kuti panzwimbo Pake wasunure Barabasi. 12 Pirato akawaramba achiwadaira achiti: ''Ndichadiniko naye Mambo we ma Juda?''. 13 Iwo wakadaidzirazwe: ''Ngakomerwe!''. 14 Pirato akawapindura achititi: ''Iye atadzeyiko?''. Asi iwo wakanyanya kudaidzira ''Ngaakomerwe''. 15 Pirato, nekuda kupfadza wanhu, akawapa Barabasi. Iye akawapa Jesu kuti apondwe, akomerwa pamuchinjikwa. 16 Masodja wakamutora womuyisa mumba yamambo, iyo iri muzinda, akabva adainza zvikwata zve masodja. 17 Wakamupfekedza hembe suku, wakaruka korona yeminzwa wakaisa kuna Jesu. 18 Wakatanga kumuchingamidza wachiti: ''Nga rarame mambo we ma Juda!''. 19 Iwo wakamuponda mumusoro make netsanga wakamupfirira Iye, wakapfugama na mabvi womupa kutenda. 20 Wakati Wamuseka, wakamukumura hembe tsuko wakamupfekedza hembe Dzake, wakamutora wakamubudisa kunze, wakenda naye komukomerera. 21 Iwo wakamanikidza mumwe akanga achidarika achibva kumunda, akatakura muchinjikwa wa Jesu. Zita rake ranga riri Simoni wekurini (baba wa Alexandre na Rufu). 22 Masodja wakamutora Jesu kune imwe nvzimbo inozwi Gorokota, inorewa kuti nvzimbo yegehena. 23 Ndokumupa waini yakasanganiswa nemura asi Iye ana kumwa. 24 Ipapo, Wakamukomera pamuchijinkwa, wakagurirana hembe Dzake, wakakanda mijenya pamusoro pazvo kuti musodja umwe ne umwe angatorei. 25 Yakanga iri nguwa yechitatu pawakamukomera. 26 Norugwaro renyaya yake rakanga rakanyorwa pamusoro pake rechiti: ''MAMBO WEWADJUDA''. 27 Naye wakamukomera ne mbava mbiri, umwe kurudyi umwe nekurubhoshwe. 28 Rugwaro rakadzadziswa rechiti: ''wakaerengwa pamwechete newatadzi. 29 Waya waipinda, Waimutuka, achidzungudza misoro yawo achiti: ''Ah! Iwe waizopwanya temberi, nokurowaka futi nemazuwa matatu, 30 Zviponese uye udzike pamuchinjikwa!''. 31 Naizvozvo maprista wakuru nawanyori wakmuseka ne nzira imwe chete achiti: ''Iye waiponesa wamwe, asi angakwanisi kudziponesa pachake. 32 Kuti Kristu, Mambo we Izraerei ngadzike zvino pamuchinjikwa kuti tione, titende''. Newakanga wakakomerwa naye waimutukawo. 33 Pazuwa rechishanu, rima rikawapo panyika yese panguwa yechipfumbamwe. 34 Panguwa yechipfumbamwe Jesu akadaidzira neizwi repamusoro achiti: Eroi, Eroi, rama sabaktani?'' 35 Wamwe wakanga waripo wachimuzwa aiti: ''Izwai, Iye arikudaiza kuna Eria''. 36 Ipapo mumwe akamanya, akaisa waini yaiwawa pathauro akaisa parutanda akamumwisa. Murume akati: ''Ngatiwone kuti Eria wanouya komudzikisa''. 37 Ipapo Jesu wakadaidzwa ne izwi riri pamusorosoro, akafa''. 38 Chidzitiro che temberi chikamweka nepakati kutangira pamusoro kuswika pasi. 39 Uno mukuro wenyaya akanga akamirapo, akatarisana achiona mutowo wekufa kwake akati: ''Chokwadi munhu uyu akanga ari Mwana wa Mwari''. 40 Pakanga pane wakadzi waitarisa nekure. Pakati pawo panga pane Maria Maderena, Maria (Mayi wa Jakobo munoko wa Joze) na Sarome. 41 Iye paakanga ari mu Garireya, iwo waimutera waimushandira. Newamwe wakadzi wajinji wakakwira naye ku Jerusarema. 42 Wakanga awa usiko, rakanga riri zuwa rekugadzirira, ndikokuti rinotangira pa sabata, 43 Josefa we Arimate wakaendako. Iye akanga ari munhu ayiremekedzwa, waimira uMambo wa Mwari. Iye akashinga akaenda kuna Pirato akakumbira Mwiri wa Jesu. 44 Pirato akashamisika nazvo, kuti Jesu wakanga wafa; Ipapo wakadaidza mukuru wezana akamubvunzisa kuti Jesu afa? 45 Pirato paakanzwa ne mukuru wezana kuti Iye wakanga afa, akapa mwiri kuna Josefa. 46 Josefa akanga atenga mucheka. Iye akadzikisa Jesu pamuchinjikwa, akamufukidza nemucheka, wakamuyisa muguwa rakanga racherwa pa tsanza akaisa buwe pamuromo pe guwa. 47 Maria Madelena, na Maria, Amai wa Josefa wakowona Jesu paakawigwa.