Chitsauko 16

1 Mukupera kwe musi we Sabata, Maria Madalena, Maria, mayi wa Jakobo na Solomoni wakatenga mafuta anonuhirira kuti aende kodzodza muwiri wa Jesu. 2 Musi wekutanga reviki ari mangwanani pakubhuda kwe zuwa, iwo wakaenda kuguwa. 3 Iwona wakabvundzana umwe na umwe: ''Ndiyani utchatibvisira bhuwe re paguwa?'' 4 Pawakatarisa pawakawona kuti panga pane munhu wanga watobvisa reguwa raiwe guru. 5 Pawakapinda muguwa wakawona umwe mukomana wakapfeka mbasha yetchena, wakagara ku dhi remoko kwawo, uye wakapika usiku waripo. 6 Iye akawati: Murikutswaga Jesu we Nazareta wakakomerwa. Iye wakamuka! asi pano. Wonai mbuto yawakamuyisa. 7 Asi endai mowudza wadzidzi wake nekuna Pita kuti Jesu utchatungamira kwenda ku Garireya. Ikoko mutchamuwona, se matawurire akanga akaita. 8 Iwo wakabva watchimhanya ku guwa, wanga watchitetemera, awana kutaurira munhu nokuti wanga wetchitya. 9 Pawakazosimuka pamangwanani we musi wekutanga reviki, Jesu pakutanga wakawiya kuna Maria Madalena, wakadzingwa madimoni manomwe. 10 Iye akabhuda akataura zvaakawona kuwanhu wanga wanaye, apa pakuti wamwe wainyunyuta wetchitchema. 11 Iwo wakanzwa kuti Jesu wanga arimupenyu, nokuti wakamuwona, asi iwo awana kutenda. 12 Mekupera kwe zvinyu izvi, Iye akawuya ne imwe nzira yakasiyana ku wawiri wawo, pawanga watchifamba kwenda kumunda. 13 Iwo wakaenda kunotaurira wamwe wadzidzi, asi iwo awana kutenda. 14 Nokudharo, Jesu akawuya kuwagumi ne umwe, apa pakuti wamwe wanga wakakotama pathafura, uye akawaparidzanisa nekusatenda uye nekuwona moyo, nekudha rokuti awana kutenda pawakawona wiya wakamuka mukufa. 15 Iye akawati: ''Endai munyika yese, paridzai vangeri ku zvisikwa zvese. 16 Wese anotenda uye anobabatidzwa anoponeswa, uye asingatendi atchazotongwa. 17 Zviratidzo izvi zvakaperekedza waya wanotenda: muzita rangu watchadzinga madhimoni, watchataura ne ndiwi, 18 mutchabhata nyoka nemawoko uye kana mukamwa zvinouraya, amuzokuwari; Mutchayisa mawoko enyu kuwarwere iwo watchapora''. 19 Jesu paakapera kutaura nawo, wakasimudzwa kuendeswa kudhenga akagadzwa moko muryo wa Mwari. 20 Wadzidzi wakafamba wakaparidza munyika yese, uye Mambo wai shanda nawo uye wainzwisisa mashoko nokudha ko minana, zviratidzo zvaiwa tewera.