Chitsauko 14

1 Pakanga pasara masuwa mawiri kuti paska nemutambo wechingwa chisina mbiriso. Uye atungamiriri ewaprista newanyori wanga wachitswanga nzira yekuti amubate nayo achishandisa manomano kuti amuraye. 2 Nekuti waiti: ''Atidi kuzwita pamutambo, pamwe anhu angazoita zwowe zwowe''. 3 4 5 Paakanga Jesu ari ku Betani wachirya mumba ma Simoni, aiwa ne maperembudzi, Jesu paakanga ari patafura, akawuya umwe mukadzi ne hari yaiwa nemafuta aidura. Iye wakaputsa hari nokudhururira mafuta mumusoro ma Jesu, amwe akatsamwa nazvo akatanga kushushikana. Achiti: '' Ngei warasa mafuta aya? Mafuta aya aifanira kutengeswa mare jinji inoita madinari matatu kuti ipiwe wanotambudizika'. Akabva amutsamwira chaizvo. 6 Asi Jesu akati: ''Siyanai naye. Murikumushupirei? Iye andiyitira zwakanaka. 7 Pakati penyu pachauwa wanotambudzika, uye munogona kuwaitira zwakanaka chero pamunoda, asi amusi kuzogara Muneni. 8 Iye akaita zvawakakwanisa, adira mwiri Wangu ne mafuta anonuwirira achigadzirira kuyigwa Kwangu. 9 Chokwadi ndinoti kwamuri, kwese kucha paridzwawo mashoko akanaka munyika yose, zwaitwa nemukadzi uyu zwichataurwawo achiyeukwa''. 10 Judasi Iskarioti, mumwe wewagumi nemawiri, akabva aenda kuwatungamiriri wewaprista kundomutengesa Jesu kwawari. 11 Maprista paakazwinzwa izwi, akapfara akamuwimbisa kumupa mari yesiriva. saka wakatanga kutswaka mukana wekumutengesa iye Jesu. 12 Pamusi wekutanga wechingwa chisina mbiriso, paiwazobaira chibairo che paska, wadzidzi wake wakamuti: ''Kupi kwanoda kuti tigadzirire kwekurya paska?''. 13 Wakabva watuma wawiri wadzidzi wake ndokuti kwaari: ''Endai muguta, uye muchasongana ne mumwe murume akatakura chirongo che mvura, mutewerei. 14 Uye chero maananga apinda, mutewerei moti kuna muridzi we paamba: 'Mudzidzisi anoti: Ndeipi imba yatitcharyira paska ne wadzidzi wake?'. 15 Iye achabva akuratidzai imba ikuru yepamisoro, inotowa nezwese zwekushandisa. Mogadzirira imona. 16 Wadzidzi wakabuda ndokwenda muguta; akawana zvakangoita se Iye zvakanga awataurira ndokugadzirira paseka. 17 Awa usiku, Iye akauya aine wane gumi nemairi. 18 Paakanga akagara patafura wachirya, Jesu akati: ''Chokwadi ndinoti kwamuri, mumwe wenyu arikurya neni achanditengesa''. 19 Wose wakatanga kurwadziwa nazvo uye mumwe ne mumwe akati kwawari: ''Ndini here?'' 20 Jesu, ndokupindura achiti: ''Ndemumwe ne wagumi nemayiri, uya arikuseya neni mundiro. 21 Nekuti Mwanakomana wemunhu ari kwenda se kunyorwa kwazvakaitiwa nezvake; ane nhamo uwa achanditengesa! Zwaiwa nani kudai munhu iyeye asinakumbozwarwa. 22 Pawakanga wachirya, Jesu wacabata chingwa wakachiropafadza, wochipatsanura ndokupa kwaari achiti: ''Tambirai, uyu ndio mwiri wangu''. 23 Iye akabata mukombe, ndokutenda, ndokuwapa, wakamwa wese. 24 Ipapo akati kwawari: ''Iyi inomirira ropa rangu resungano, richadururirwa munhu wese. 25 Chokwadi ndinokutaurirai kuti, andichazomwi chibereko che muzambiringa kuswika zuwa randichazwimwa zwawa zwinyoani mumambo wa Mwari''. 26 Pawakapedza kuyimba nziyo, akabuda achienda kugomo remiorivhi. 27 Uye Jesu akataura kwawari: ''Imi mese muchandisiya, nekuti zwakanyorwa: ''Ndichakuwadza mupfudzi, uye makwai acharasika. 28 asi kana ndamutswa kwawakafa, Ini ndichafanotungamira ku Galileia''. 29 Asi Pita akati kwaari: ''Kunyangwe wese wakakusiya, ini andizokusii. 30 Jesu akati kwaari: ''Chokwadi Ndinoti kwamuri , usiku huno djongwe risati rarira kairi , iwe uchandiramba katatu'' . 31 Asi Pita wakati : '' kunhangwe ini ndikafa nemwi , andizomurambii'' . Wese wakaita chimbiso chimwechetecho . 32 Iwo wakaenda ku imwe mbuto inonzwi guetsimani, uye Jesu wakati ku wadzidzi wake: '' garai pano ini ndichinamata '' . 33 Iye wakatora Pita, Jakobo na Johani, kubva ipapo wakatanga kuchungurudzika vzikuru uye achi netsheka . 34 Jesu wakati kwawari mweya wangu urikurhadziwa vzikuru, pakuda kufa. Rambai muripano mechirindira''. 35 Jesu wakaenda kure, akagodhama ndokutanga kunamata, kuti dhai zwaiita, nguwa iyo yipinde Kwawari. 36 Iye akati: ''Aba, Baba, zvihnu zwese zvinobvira Kwamuri, bvisai mukombe kwandiri. Asi ngakusawa kuda Kwangu, asi kuda Kwenyu''. 37 Iye akadzoka, wakawaswikira wakawata, ndokuvunza kuna Pita: ''Simoni, iwe urikuwata? Washaya simba rekuramba wakarindira here? 38 Rambayi makarinda uye rambayi muchinamata kuti murege kupinda muzviedzo. Mweia wakagadzirira, asi nyama aina kusimba''. 39 Zvekare Iye akabudazve ndokunamata ne mashoko amwewo. 40 Jesu wakadzokazve, akawawona wadzidzi wake wachirara; madziso Ake akanga achirema, iwona wakashaya zvi zvokumupindura. 41 Uye Iye akadzoka kechitatu, wakati kwawari: ''Muchirikuwata nekuzorora kuwa ino?'' Zvakwana! Nguwa yacho yaswika. Kuti Mwana komana we Munhu arikutengeswa munemawoko we watadzi. 42 Simukai, tiende! Mutengesi wangu arikuswika. 43 Ipapo, Iye wachibuya, Judasi, mumwe we wagumi ne wawiri, aswika, wanhu wajinji akanga anaye; aiwa nemapakatwa netswimbo, watumwa newatumiri, wanyori ne waprista. 44 Mutengesi akanga awapa chiratidzo, achiti: ''Ndiye wandinenge ndatswoda''. Muwende naye makanyasa kumuchengeta''. 45 Paakaswika Judasi, izvozvo wakaswika kuna Jesu womuti: ''Rabhi! ndobva amutsvoda. 46 Ipapo awo Wakamubata Womusunga. 47 Asi waya wakanga waripo, akabvomora bakatwa rake, akacheka nzewe ye muprista mukuru, ikabva. 48 Jesu akaati kwaari: Ko ndawa gororo zwamauya kuzondisunga muine mapakatwa ne tswimbo? 49 Ndaiwa nemi ndechimudzidzisai mutemberi mazuwa ese, asi amuna Kundisunga. Zvisinei izvi zviri kuitika kuti magwaro adzadziswe''. 50 Uye wese wakanga ana Jesu wakamutiza, womusiya. 51 Asi rimwe djaha raiMutewera, akanga aripfeka djira; iwona wakamubata, asi 52 djaha iri rakasiya kumasure djira racho, nokutiza risina kupfeka. 53 Wakamutora Jesu kumupristi. Wakaungana wese ma pristi, ne wakuru ne wanyori. 54 Panguwa iyoyo, Petro akamutera, waiona zvese nekure, kuswikira muchiwanze me mupristi. Iye akagara newarandi wepamba, achidziya moto waibvira chaivo. 55 Watungamiri wewapristi ne Sanihedrini yese yaitswaga uchapupu wekuti wawanire Jesu mhosva kuti wamuuraye. Asi iwo awana kuwona, 56 nekuti wajinji waimupomhera mhosva, asi uchapupu wawo wakanga usingabvumirani. 57 Wamwe waisimuka wachimupupurira zvekunyepa, iwo achiti: 58 ''Takamunzwa achiti: 'Ini ndicha paradza temberi iyi yakawakwa ne mawoko we anhu, asi ndichawaka imwe pa mazuwa matatu, isina kumbowaka nemawoko we anhu''. 59 Asi panyaya iyoyo, uchapupu wawo wakanga wasingapindirani. 60 Ipapo, mupristi mukuru akabva asimuka pakati pawo, akabvunza Jesu kuti: ''Aupinduri here? Zvinotaura warume aya pamusoro Pako?''. 61 Asi Iyena akaramba akanyarara asingadairi. Mupristi mukuro akavundzazwe: ''Ndiwe Kristu, Mwana wa Mwari wanokudzwa?'' 62 Jesu akati: ''Ini ndini. Uye muchawona Mwanakomana weMunhu akagara kurutiwi kwa Ishe we masimba wose wechiwuya nemakuta ekudhenga. 63 Pamusoro pazwo, mupristi mukuro wakamwesa mbasha dzake, ndokuti: ''Tichadhirei zwimwe zwapupu? 64 Imi manzwa kumhura kwacho, munoti kudhi?''. Wese wakati, Jesu wanofanira kufa. 65 Wamwe wakatanga kuMupfirira mata uye kumufukidza kumeso womuchaya nezwibakera uye achiti: ''Profita!'' warandi wakamutora womuponda. 66 Petro paakanga aripasi, murwanzhe, mumwe musikana aishandira muprista mukuru akawuya kwaari. 67 Iye, paakawona Petro achigota moto, akamutarisisa ndokuti kwaari: ''Iye wayiwawo na Jesu we Nazareta''. 68 Asi iye akaramba, achiti: ''Ini andimuzii uyu andisikuzwisisa zwauri kutaura''. Abva abhuda panze akaenda kurwanze rwepanopindwanapo. 69 Awa ikona, mushandi wacho wechisikana akamuwonazve wotanga kutaura kune akananga aripo: ''Uyu murume ndemumwe wake!'' 70 Asi iye akabva arambazve. Ipapo, waioneka waripo waiti kuna Petro: ''Nechokwadhi urimumwe wawo iwe, nekuti uri mugarireya iwewe''. 71 Asi akatanga kutuka achipika: ''andimuziwi ini Murume wamuri kutaura nezvake uyu''. 72 Ipapo, djongwe rakabva rarira kwechipiri, iye Petro akabva akafunga mashoko awakataurirwa na Jesu achiti: ''Djongwe risati rarira kwairi uchandiramba katatu''. Uye akakurirwa ne shungu, akatanga kuchema.