Chitsauko 5

1 Kwakanga kune umwe murume, ainzi Ananiasi, na Safira mudzimai wake, akategesa pfuma yake. 2 Uye amaweka umwe mare, uye mudzimai wake aizviziwa; uye akauya nebichana achiisa mumakumbo yewapostora. 3 Uye Petro akati: Ananiasi, nekuti Satani azadza moyo yenyu, kuti munyepere Mweya Muswene, uye akaweka imwe mare yepfuma? 4 Ko wakanga urisiwako here usati wategesa? Uye, pawakategesa, mare yakanga isiriyako here? wakataurirei imwe mumoyo mako? Hauna kunyepera munhu, asi Mwari. 5 Uye Ananiasi, achizwa mashoko aya, akadona akasiya kufema. Uye wajinji wakapatwa nekutya nezvawakanga wazwa. 6 Wakomana, wakasimuka, wakaenda naye kunze wakanomuwika. 7 Shure kwamaawa anokwana matatu, mudzimai wake akapinda zvekare, akanga asinga ziwe zvaitika. 8 Uye Petro akati kwaari: Ndiudze ndiwo here mutengo wamakategesa nawo? Iye akapidura akati: ndiwo. 9 Uye Petro akati: Matenderana seiko kuti muedze Mweya waIshe? awa waripamusuwo wabva kunowika murume wako, uye iwo zvikare wachakutora. 10 pakarepo akawira pasi, akasiya kupfema. Uye wakaomana, pawakapinda wakamusvikira akafa; wakamutora wakaenda naye panze wakanomuwika pamwechete nemurume wake. 11 Uye kereke yese yakabatwa nekutya, newese wakazwa zvino izvi. 12 Wapostora wakaita zviratidzo zvijinji nemunana pakati pewamunhu. Uye wese wakanga wakatenda wakasongana paBirawira raSoromoni. 13 Asi kune amwe apana aida kuwongana nawo; nekuti wanhu waiwakudza zvikuru. 14 Uye zuwa ne zuwa waitenda muIshe waiwedzera, Wajinji wakaita sewakadzi newarume. 15 Waiuya newanorwara wachiwaisa mugwadzi wakawawaridza pamubhedha nepahuke wachitira kune muvhuri waPedro uriwe pane wamwe wawo. 16 Uya nemaguta akanga aripedyo wajinji wauya kubva kuJerusarema, wachiuya newanorwara newanochadiswa neMweya yetsina, asi wese waiporeswa. 17 Uye muprisita mukuru akasimuka, newese wakanga wanaye ( Ndiani akanga arinhengo dzebato rewasadhusi), iwo wakazadzwa negodo. 18 Uye wakaisa rwoko rwawo kunewapostora, wakawaisa mujeri. 19 Asi gerosi yaIshe, yakauya usiku, ikasarura makowa wejeri akawabudisa; uye akawaisa panzi, uye akati: 20 Endai muudze wanhu makamira mutembere mashoko aya yeupenyu. 21 Iwo, wachizwa, izvo wakapinda, mutembere makuseni, uye waidzidzisa. Asi wachiwona muprisita mukuru, wese waipinda nawo, wakauganidza dare guru ramakurukota, noungano yose yawakuro wewana waIsiraeri, wakawaendesa mujeri. 22 Asi wabate pawakauya, awana kuwawona mujerri; wakadzoka wachiparidza, 23 Wachiti: Isu takawona majeri akavharwa, uye wakachegetwa, newanochegetedza waripo pamusowo; asi patavhura atina kuwona munhu mukati. 24 Nokudaro muprisita mukuru, nemukuru wewarindiri wetembere, wakazwa mashoko aya wakakanganisika kuti chii chichazoitika. 25 Uye pakauya munhu, akati: Tarirai murumwe uya wamaisa mujeri arimutembere, kudzidzisa wanhu. 26 Pakakazvinzwa mukuru wewarindiri akabva aenda newabate wake, akawaon, asi aina kuita zvakaipa, nekuti watya kutema namabwe nawanhu. 27 Wakati wauya nawapostora wakawamisa pamberi pedare. Uye muprisita mukuru akawabvudza kwaari akati; 28 Atina takakuudzai kuti musasadzidzise zita iri here? Uye Jerusarema yese yazara nedzidziso iri, uye murikuda kuwodzisa ropa remurume uyo here! 29 Uye Petro, newapostori wakapidura wachiti: Tinofanira kuterera Mwari kukunda wanhu. 30 Mwari wana Baba wedu akamutsa Jesu, imi makamuuraya, uye makamukomerera pamuchijikwa. 31 Kuna Mwari Uwo tinomurumbidza nerwoko rerudye soMuchinda neMuponese, kuti ape Israeri kuzvidemba nekuregererwa zviwi zvedu. 32 Isu tirizvapupu zveshoko iri, neMweya mutswene, uye Mwari wanopa waya wanomuterera. 33 Iwo, wachinzwa izvi wakazadzwa wakashatirwa uye wakada kuwauraya. 34 Asi, akasimuka umwe mukuru wedare akanga arimufarisi, zita rake ainzi Gamarieri, mudzidzisi wemutemo, anoremekedwa newanhu wese, akaisa wapostora kunze kwenguwa pfupi. 35 Uye iwo wakati: Warume weIsiraeri, Tarirai isu, munomuiteiko murume uyo; 36 zuwa iri risati rasvika kwakasimukati Tudhasi, achiti munhu; wachaugana wanege mazana mana; uye wakaurawa, wese waitenda maari wakaparadzwa zvikaguma zvawa pasina. 37 kubva uwo pakasimuka Judas, wekugarerea, mazuwa yekuweregwa kwawanhu; akatugamirira boka rawanhu waida zvekupaduka; uye wese watenda maari wakaparadzwa. 38 Ikozvino ndinoti, ibvai pane warume awa, uye wasiyei; kana dzidziso nebasa rirewanhu, iwo wachaparara. 39 Asi kana riri raMwari, imi amuparare; kuti usazodzi warwisa Mwari. 40 Uye wakatenderana naye. uye akadaidza wapostora akawaruwa, wakawati wasataure zvekare zita raJesu; uye wakawasiya wachienda. 41 Nokudaro wakabuda pamberi pedare, wachifara nekuti wachorwa nezita rake. 42 Mazuwa ose mutemberi, nemudzimba,wakanga wasinga mire kudzidzisa Jesu Kristu.