Ndima 9

1 Ndinotaura chokwadi munaKristu, handinyepi. Hana yangu inondipupurira muMweya Mutsvene, 2 kuti ndineshungu kwazvo nokuchema kusingaperi mumoyo mangu. 3 Nokuti ndaida kuti inini ndemene ndiwe munhu wakatukwa nekuparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, vari verudzi rangu panyama; 4 Ndivo vaIsraeri. kuitwa vana, nokugwinya, nesungano, nokupuwa murairo, nokunamata Mwari, nezvipikirwa. 5 Madzibaba ndeavo, naKristu wakabva kwavari panyama, uri pamusoro peveshe, sekuti Mwari unokudzwa nokusingaperi. Ameni. 6 Asi handiti shoko raMwari rakakona. Nokuti vakabva kuvaIsraeri havasi veIsraeri veshe. 7 Nevari vedzinza raAbhurahamu havasi vana vake veshe. Asi, Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako. 8 Ndokuti havasi vana venyama vari vana vaMwari. Asi vana vokupikirwa, ndivo vanozwi wabarhwi. 9 Nokuti shoko rakapikirwa ndirori: Nenguva yakaita seino Ndichawuya, Sara uchapuwa mwanakomana. 10 Hazvisi izvozvo vzega; asi Rebekavo, wakati anemimba wakabereka Isaka, baba vedu 11 nekuti vana vaiga vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakusanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kunaiye unodana, 12 zvakazwikwaari: Mukuru uchashandira mudoko. 13 Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga. 14 Saka tichatikudini? Kusatendeka kuriyo kunaMwari here? Haiswa! 15 Nokuti unoti kunaMosesi: Ndichazwira ngoni wandinozwira ngoni, ndichazwira tsitsi wandinozwira tsitsi. 16 Nazvo hazvibvi kunounoda, kana kuneunoRumba, asi kunaMwari, vanengoni. 17 Nokuti Runyorhwa runoti kunaFarao: Ndizvo zvandakakumusira, kuti zita rangu riparidzwe panyika yeshe. 18 Nazvo unozwira ngoni waanoda, uye unowomesera moyo waanoda. 19 Hino iwewe uchati kwendiri: ''Ena uchapirei ndaa kuneumwe? Nekuti ndiani unoramba kuda kwake? 20 Haiwa Kana, iwewe munhu, ndiwe anini, unopingura Mwari? Chakapfumbwa chingati kunowakachipfumba: Wandiitirei kudai? 21 mupfumbi wehari haanasimba padera pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa? 22 Tichatikudini kana Mwari, akanga echida kukhombedza kutsamwa kwake, nokuziisa simba rake, akaita nomoyo murefu zvikuru padera pemudziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa? 23 kuti aziise kupfuma kwokugwinya kwake padera pemudziyo yengoni, yaakagadzirira kugwinya, 24 Tiri isusu vakadainzwavo naye, tisingabvi kuvaJudha bedzi, asi kuvahedheni vo? 25 Sezvaanorevavo pabhuku raHosea, echiti: Avo vainga vasiri vanhu vangu; Ndichavadaidza vanhu vangu; Naiye wainga asiri mudikanwa, ndichamudaidza mudikanwa. 26 Zvichaitika kuti pandau yavakabirha kwavari: ''Hamusi vanhu vangu, apapo vachadaidzwa vanakomana vaMwari mupenyu''. 27 NaIsaya unodaidza padera pevaIsraeri echiti: ''kunyange kuwanda kwevana vaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa, 28 nokuti Ishe wachaita panyika shoko ravo, nekuripedzisa, nekukasira. 29 Sezvaakareketa Isaya kusati, echiti: Dai Ishe wehondo asina kutisira rudzi, Tingadai takawa seSodhoma, takaitwa seGomora. 30 Saka tichatikudini? Tichati, vahedheni vasina kutsvaka kutendeka, ndivo vakawana kutendeka, uko kutendeka kwokutenda; 31 Asi vaIsraeri vakati vechitsvaka murairo wokutendeka havana kuguma pamurairo wokutendeka. 32 Ngei? Nokuti havana kutsvaka nokutenda, asi zvinenge nemabasa omurairo. Vakagumburwa nebuwe rinogumbusa. 33 Sezvazvakanyorwa, zvichizi: ''Wona, ndinoisa paZiyoni buwe rokugumbusa, neivu rokupinganidza. Unotenda kwaari, haanganyadziswi''.