Ndima 8

1 Nazvo, hakuchina nachimwe chipomero kune avo vari muna Jesu Kristu. 2 Nokuti mutemo we mweya we hupenyu muna Jesu Kristu wakandi sunungura kubva ku mutemo we chiwi neche kufa. 3 Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana, wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, wakapa mhosva zvivi zviri munyama. 4 Kuti zvakarebwa nomurairo zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama, asi nomweya. 5 Avo vanopona munhama vanofunga zvenhama,, asi, avo vano pona mumweya, vanofunga zvomweya. 6 Ndizvo, pfungwa dze nhama kufa, asi pfungwa dze mweya hupenyu neregare; 7 Nokuti kufunga pfungwa dze nhama kuchaicha kuna Mwari, ndizvo hau shandi mutemo wa Mwari, kana, kuita azvimboiti. 8 Avo vari panhama hawanga fadzi Mwari. 9 Asi imimi hamusi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari wechigara mukati menyu. Asi kana munhu asinaMweya waKristu, haasi wake. 10 Kana Kristu ari mukati menyu, muviri wakafa nokuda kunezvivi, asi mweya uri mupenyu nokuda kwokutendeka. 11 kana Mweya weuyo wakamusa Jesu kuvakafa echigara mukati menyu, Ena wakamuta Kristu Jesu kuvakafa, uchaponesa mwiri yenyu inofa neMweya wake, unorarama mukati menyu. 12 Nazvo, hama dzangu, tiri vegava atisinyama, kuti tirarame nekuda kwenyama. 13 Nokuti kana mechifamba netsika dzenyama, muchafa; asi kana mechiuraya mabasa omwiri noMweya, muchapona; 14 nokuti veshe vanotungamirirwa noMweya waMwari, ava ndivo vana vaMwari. 15 Nokuti hamuna kupuwa mweya wouranda kuti mutye, asi makapuwa mweya wokuitwa vana, watinodaidzira nawo, tichiti: Aba, Baba. 16 Mweya amene unopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari. 17 kana tiri vana, nesuwo tiri aryi venhaka; venhaka yaMwari, pamwe chete naKristu, kana zwemene techitambudzika pamwe chete Naye, tichakudzwavo pamwe chete naye. 18 Nokuti ndinoti madambudziko enguva ino haana kufanira kuedzaniswa nokugwinya kucha kombedzwa kwetiri. 19 Nokuti zvisikwa zvinetariro yokkuoneswa kwevanakomana vaMwari. 20 Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwake wakazviisa pashi pazvo. 21 zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwe vo pavuranda wokuvora, zviiswe pakusunungurwa kwokugwinya kwevana vaMwari. 22 Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zveshe zvinogomera nokurwadziwa kwekubara kusvikira nanyamachi. 23 Zvisati zviri zvona bedzi, asi nesu vo, kunyange tinezvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu temene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwakwomwiri wedu. 24 Nokuti takaponeswa netariro; nokuti ndiani unotarira chaanovona? 25 Asi kana tichitarira chatisingavoni, tinochiemera nokutsungirira. 26 Sazvo, Mweya unobatsiravo nokusava nesimba kwedu. Nokuti hatizii kunyengetera zvakafanira, asi Mweya wemene unotinyengeterera nokugomera kusingareketwi; 27 Ena ndiye unowona moyo, ndiye unoziya pfunga yeMweya, nokuti unonyengeterera vatsvene sezvinoda Mwari. 28 Tinoziya kuti zviro zveshe zvinobata pamwechete kuti zviitire zvakanaka kune avo vanoda Mwari, avo vakadanwa sezvaakafunga. 29 Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemera vo kare,kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zinji. 30 avo vaakatemera kare, ndivo vaakadanavo. Vaakadana, ndivo vaakatendekesavo. Vaakatendekesa, ndivo vaakakudzavo. 31 Zvino tichatiyiko pa zvinhu izvi? Kana Mwari achitirwira, ndianiko uchatirwisa? 32 Ena, usina kuramba kunyange noMwanakomana wake, asi wakamupa cheshe nokuda kwedu teshe, ungarega sei kutipavo zveshe pamwe chete naye zviro izwi? 33 Ndiani uchakwirira vasanangurwa vaMwari? Mwari ndiye unoponesa. 34 Ndiani uchavapa ndava? Kristu Jesu ndiye waktifira , kundze kweizvi, ndiye wakamuswa kuvakuwakafa. Ena uri kurudyi raMwari, unotinyengetereravo. 35 Ndiani uchatiparadzanisa nerudo raKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kana nzara, kana kushaiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here? 36 Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Nokuda kwenyu tinovurawa zuva reshe; Takazwi tiri makwai anobayiwa. 37 Pazvinhu zviro zveshe tiri vakundi nokupfuvurisa naiye wakatida. 38 Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana vupenyu, kana vatumwa, kana vanesimba, kana zvazvino, kana zvinovuya kana masimba. 39 kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chiro chimwe chakasikwa, hazvingazoiti kutiparadzanisa nerudo raMwari, riri munaKristu Jesu, Ishe wedu