Ndima 10

1 Hama dzangu, kuda kwemoyo wangu nekukumbira kwangu kunaMwari padera paIsraeri ndiko, kuti vaponeswe. 2 Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi havaiti nokuziva. 3 Nokuti, zvavakanga vasingazii kunaka kwaMwari, vakatsvaka kumuisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pokunaka kwaMwari. 4 Nokuti Kristu mugumo womurairo pakutsvaka kunaka, kune mumwe nomumwe unotenda. 5 Nokuti Mosesi unonyora: ''echiti, munhu, unoita kunaka, kunorewa nomurairo, uchararama nazvo''. 6 Asi kunaka kunobva pakutenda, kunoreva kuti: ''Usati mumoyo mako: Ndiani uchakwira kudenga? (ndiko kuno unza Kristu); 7 kana, ndiani uchadzaka kwakadzikadzika? (ndiko kubudisa Kristu kuvakafa)''. 8 Asi kunorevei? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako, nomumoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza. 9 kuti, kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumoyo mako, kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa. 10 Nokuti munhu unotenda nomoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa. 11 Nokuti Runyorhwa runoti: Aninani unotenda kwaari, haanganyadziswi. 12 Nokuti muJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, wakapfuma kunavose vanodana kwaari. 13 nokuti aninani unodana kuzita raShe, uchaponeswa. 14 Zvino vachagodana sei kunaiye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kunaiye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusinomuparidzi? 15 Vachaparidza sei, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzavanoparidza Evhangeri yorugare, namashoko omufaro ezviro zvakanaka? 16 Asi veshe havana kuzkwa mashoko kuvhangeri. Nokuti Isaya unoti: ''Ishe, ndianiko wakatenda zvatakaparidza? 17 Nazvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari. 18 Asi ndinovundza: Havana kunzwa here? Eya, zvirokwazvo. Izwi ravo rakabuda kunyika yeshe, Nemashoko avo kumagumo yenyika. 19 Kunze kwe izvi, ndinovundza: VaIsraeri vainga asika zii here? Pakutanga, Mosesi unoti: ''Ndichamusa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi''. 20 NaIsaya, asingatki, unoti: Ndakavonekwa nevasina kundibvunza. Ndakazvikombedza kune vasina kundi bvunzisa. 21 ''Asi kuvaIsraeri unoti: Ndakatambanudzira mavoko angu zuva reshe kuvanhu vasingatereri, nevanokakavara