Ndima 11

1 Zvino ndinoti: Mwari wakarasha vanhu vake here? Haiwa! Nokuti neni vo ndiri muIsraeri, worudzi rwaAbhurahamu, weimba yaBenjanimi. 2 Mwari haana kurasha vanhu vake vaakaziva pakutanga. hamuzii kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEria here? Kuti unokumbira kunaMwari pamusoro pavaIsraeri, achiti: 3 Ishe, vakavuraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu, ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotswaka kundivuraya. 4 Asi Mwari unomupingurei? ''Unoti: Ndakazvisiira varume vanezvuru zvinomwe, vasina kufugamira Baari''. 5 Zvino sazvo nenguva inovo variyo vakasara, vakasanangurwa nenyasha 6 Asi kana kuketwa kuri kwenyasha, kunenge kusiri kwamabasa, kana zvisakadaro, nyasha hadzisiripi nyasha. Asi kana kuri kwamabasa hakuzati kuchiri kwenyasha. Kana zvisakadaro basa harizati richibasa. 7 Zvino tichatikudini? VaIsraeri havana kuwana zvavakanga vachitsvaka, asi vakasanangurwa ndivo vakazviwana; vamwe vakawomeswa, 8 sezvazvakanyorwa, zvechinzi: Mwari wakavapa mweya wehope; meso, kuti varege kuwona, nenzee, kuti varege kunzwa, kusvikira zuva renhamashi. 9 NaDhavhidhi vo unoti: Tafura yavo ngaiitwe musungo, neriva, 10 Meso avo ngaasvipirwe, varegere kuvona; Mukotamise mushana yavo misi yeshe. 11 Saka ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Haiwa! Asi nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuti vamutsirwe godo. 12 Zvino kana kuwa kwavo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwavo kwakafumisa vahedheni, zvikuru sei kudzara kwavo? 13 Ndinotaura kwamuri, imimi vahedheni. Zvandiri muapostora wavahedheni, ndinokudza basa rangu. 14 Zvimweni ndingamusa godo kunevenyama yangu, ndiponese vamweni. 15 Nokuti kana kurashwa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi vupenyu pakufa? 16 Zvino kana chibereko chokutanga chiri chitsvene, bundu rose rakadaro vo; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadaro vo. 17 Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwe chete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi, 18 usazvikudza kumatavi, kana uchizvikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe. 19 Zvino iwe uchati, matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe. 20 Ndizvozvo; vakavhuniwa nokusatenda kwavo, iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi utye. 21 Nokuti kana Mwari asina kurega matavi awo, haangakuregi newe vo 22 Zvino tarira vunyoro nokukasharara kunavakawa, asi kwauri vunyoro bwaMwari, kana uchigara pavunyoro bwake;kana zvisakadaro, newe uchatemwa vo. 23 Naivo vo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari unogona kuvabatanidza zve. 24 Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi, uri wokudondo pakusikwa kwawo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nokusikwa kwazvo zvikuru sei ava vari matavi awo,vangabatanidzwa pamuorivhi wavo! 25 Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuwomeswa kwomoyo kwakavuya pamusoro pavamwe vavaIsraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda. 26 Nazvo rudzi rweshe rwavaIsraeri ruchaponeswa;sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabuda Musununguri; Uchabvisa kusada MwarikunaJakobho. 27 Iyi ndiyo sungano yangu navo, Musi wandichabvisa zvivi zvavo. 28 Kana iri Vvhangeri, avo vavengi vaMwari nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwa nokuda kwamadzibaba. 29 Nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi. 30 Nokuti semi kare makanga musingatereri Mwari, asi zvino makanzwirwa ngoni nokusaterera kwavo. 31 saizvo naivo zvino havana kuterera, kuti nengoni dzakaitirwa imi naivo vanzwirwe vo ngoni. 32 Nokuti Mwari wakavapfigira veshe pakusaterera kwavo, kuti avazwire ngoni yeshe. 33 Haiwa kufuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi! 34 Nokuti ndianiko wakanga ari murairi wake? 35 Ndiani wakatanga kumupa, kuti aripirwe zve? 36 Nokuti zvose zvinobva kwaari, zviripo naye, zviripo nokuda kwake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni