Ndima 12

1 Nazvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomoyo. 2 Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana. 3 Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinovudza mumwe nomumwe uri pakati penyu, kuti arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuvura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari. 4 Nokuti sezvatinemitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose hainebasa rimwe chete. 5 saizvozvo isu, tiri vazhinji, tiri muviri mumwe chete munaKristu, mumwe nomumwe ari mutezo wavamwe. 6 Tinezvipo zvakasiyana, patakapuwa nyasha napo. kana kuri kuporofita, ngatiprofite zvakaenzana nokutenda kwedu. 7 kana kuri kushumira, ngazvivonekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu. 8 kana kuri kuraira, pakuraira kwedu; unopa, ngaape nomoyo wose; uri mukuru, ngaabate nokushingaira; unoitira ngoni, ngaaite nemufaro. 9 Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Wengai zvakashata; namatirai zvakanaka. 10 Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru. pakukudzana tungamiriranai. 11 Regai kuva novusimbe pakushingaira; pisai pamweya, batirai Ishe. 12 farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai mechinyengetera. 13 Kovanai navatsvene pakushaiwa kwavo nekuitira vaenzi rudo. 14 Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. 15 Farai navanofara; chemai navanochema. 16 Ivai nomoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamoyo yenyu makachenjera. 17 Musabadara munhu chakashata kana amuitira Musatsiva munhu chakaipa kana akakuitirai chakaipa. Itai chakanaka pamberi pavanhu vose. 18 Kana zvichibvira, kwomuri, ivai norugare navanhu veshe. 19 wadikanwa musatsiva, asi munzvenge kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe. 20 Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake. 21 Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka