Ndima 13

1 Munhu weshe ngavaswe vehutongi vari padera pavo, nokuti akuna hutongi, usiri unobva kuna Ishe; 2 Ndivo, uyo unoramba kuzwa vehutongi unophambana na Mwari; nevayani vano pambana navo vachapuwa kutotonga kavo. 3 Nokuti vabati havatkisi unobata basa rakanaka, asi rakachata. Unoda kusatka simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa navo. 4 Nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuiitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakchata, itka, nokuti ena haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutivi wokutsamwa kunounoita zvakachata. 5 Nazvo, munofanira kuzviisa pasi pavo, musikadaro nokuda kwokutsamwa bedzi, asi nokudawo kwehana. 6 Ndizvo sake munoripa vo mutero. Nokuti ndivo varanda vaMwari vanoramba vechingobatira chiro icho. 7 Ripirai veshe zvavanofanira kuripirwa: Mutero kunavanofanira kutererwa; muripo kunavanofanira kuripirwa; kutka kunavanofanira kutkiwa; kukudza kunavanofanira kukudzwa. 8 Musava nechikwerete nomunhu, asi chokuda umwe nomwmwe. Nokuti unoda umweni wake, wazadzisa murairo. 9 Nokuti izvo zvokuti: ''Usaita vupombwe'', ''usauraya'', ''usaba'', , ''usaemura'' , kana murairo upi noupi, zvakavunganidzwa pashoko rokuti: Ude umweniwako sezvaunozvida. 10 Rudo ariitiri kwako zvakachata; nazvo rudo rinozadzisa murairo. 11 Ngekuda kweizvi, imimi munoiziya nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedo kupfuvura zuva ratakatanga kutenda naro. 12 Usiku wodarika, kuedza kwapaduze. Nazvo ngatirashe mabasa erima, ngatipfeke nhumbi dzokurwa dzechiedza. 13 Ngatifambe nenzira yakafanira sepamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana noupombwe, noutere, kana negakava, negodo. 14 Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo