Ndima 4

1 Hino tichati Abhurahamu, teteguru vedu panyama, wakawana? 2 Nokuti dai Abhurahamu akacheneswa nemabasa ake, ungadai anechinhu chaangazvirumbidza nacho; asi haana pamberi paMwari. 3 Nokuti Rugwaro runoti kudini? ''Runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kutendeka. 4 Zvino kuno unobate-basa, mubairo haunzi ndowenyasha, asi ndowengava. 5 Kunousingabati, asi unotenda kunaye unocheneswa munhu usingadi Mwari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndikokurtendeka. 6 Sezvinorevavo Dhavhidhi, kuti wakaropafadzwa munhu unonzi naMwari wakatendeka, kunze kwemabasa. 7 achiti: ''Vakaropafadzwa vakakangamwirwa zvisatendeka zvavo, Navakafukidzirwa zvichaichi zvavo. 8 Wakaropafadzwa munhu usinganzi naShe unezvivi'' 9 Zvino kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa, kana kwavasina kuchecheuswa here? Nokuti tinoti: ''kunaAbhurahamu kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama. 10 Zvino zvakanzarwo seiko? Atodzingiswa, kana asinakudzingiswa here? Hazvina kunzarwo adzingiswa, asi asina kuchecheuswa''. 11 wakapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kokutenda, kwaakanga ana'ko asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama. 12 Ave baba vokudzingiswa kunaivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambavo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa. 13 Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rake nomurairo, asi nokururama kokutenda. 14 Nokuti dai vomurairo vari vagari venhaka, kutenda hakunamaturo, nechipikirwa chinokoneswa. 15 Nokuti murairo unovuyisa kutsamwa; pasina murairo hapana kudarika vo. 16 Nokudaro,izvo ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi reshe; risati ruri rwomurairo bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamuvo. nokuti ena ndiye baba vedu teshe, 17 sezvazvakanyorwa, zvichinzi: ''Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji''. pamberi paiye waakatenda, Ena Mwari unopa vakafa upenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo. 18 Wakatenda netariro pasinetariro, kuti ave baba vamarudzi majinji,sezvazvakanga zvataurwa Rudzi rwako ruchadaro. 19 Haana kushaiwa simba pakutenda, achifunga muviri wake wakanga watofa hawo(zvaiva namakore anenge zana), nokufa kwechizvaro chaSara. 20 akatarira chipikirwa chaMwari, haana kuramba nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari. 21 Echiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, wakanga anesimba rokuchiitavo. 22 Saka zvakanzi kwaari ndiko kururama. 23 Hazvina kunyorwa nokuda kwake bedzi, kuti zvakanzarwo kwaari. 24 Asi nokuda kweduvo; nesu tinotenda kunowakamutsa Jesu Ishe wedu, kuvakafa. 25 Uwo wakapirwa kurufu nokuda kokuchaicha kwedu, akamutswa nokuda kucheneswa kwedu.