Ndima 5

1 Nazvo, zvitinocheneswa nekutenda, ngative nerugare kunaMwari naShe wedu, Jesu Kristu. 2 Kubhubikidza naye, nesuwo tine mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri. Ngatifare netariro yokuti Mwari vachatipa ramanguana, tariro yekuti tinge tiripoo pa kuvona kugwinya kwaMwari. 3 Zvisati zviri izvo, asi ngatifarevo mumatambudziko, techiziva kuti kutambudzika kunounza kushingirira; 4 Kushingirira kunounza kutendwa; kutendwa kunounza tariro ye manguani; 5 Tariro hainyadzisi, nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu noMweya Mutsvene watakapiwa. 6 Nokuti, patainga tisina simba, Kristu wakafira vasingadi Mwari. 7 Nokuti zvinorema kuti munhu afire wakatendeka; nokuti zvakadai, dhangani mumwe ungatsunga kufira munhu wakanaka. 8 Asi Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri, pekuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi. 9 Zvino, zvatakacheneswa muropa rake, tichaponeswa naye pakutsamwa ka Mwari. 10 Nokuti isusu, patainga tei vengana, takacheneswa naMwari nokufa koMwanakomana wake, tichiri vavengi vake, zvikuru tichaponeswa kana kubataniswa noupenyu hwake; 11 zvisati zviri izvo asi tinofara zvikuru munaMwari naShe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kubataniswa. 12 Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvo rufu rwaguma kuvanhu veshe, nokuti veshe vakatadza. 13 nokuti murairo usati vapo, zvivi zvakanga zviri panyika; asi zvivi hazvierengerwi munhu, kana kusina nomurairo. 14 Asi rufu rwakabata veshe kubva kunaAdhamu kuguma kunaMozisi, kunyange nepakati pavayani vasinga kuchaicha nokudarika kwaAdhamu, wainga mufananidzo wowakanga achizowuya. 15 Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika komumwe, zvikuru nyasha dzaMwari nechipo chakavuya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, zvakawandira vazhinji. 16 Nokuti chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe wakatadza. Asi, kuseri rimweni, kutonga kwakawuya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakawuya nokudarika kuzhinji, kuti vacheneswe. 17 Nokuti kana nokudarika komumwe, rufu rwakabata veshe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokutendeka, vachararama veshe pahupenyu nomumwe, Jesu Kristu. 18 Nazvo, kutonga sezvakwakavuya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; sazvo nokururamisa kumwe chipo chokungopiwa chakavuya kuvanhu vehse, kuponeswa kohupenyu kukavapo. 19 Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi nokusateerera komumwe, saizvozvo vazhinji vachaitwa vakarurama nokuteerera komumwe. 20 Murairo wakapindavo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda zwakanyanya. 21 kuti zvivi sezvazvakabata veshe parufu, saizvo nyasha dzibate vushe nokururama, zviise kuvupenyu usingaperi naJesu Kristu Ishe wedu.