Matewu 1

1 Mazita yadzisekulu wa Jeso Kirisitu, mwana nhulume wa Dhavidhe,mwana nhulume wa Abrahama. 2 Abrahama adhobereka Isaka, Isaka adhobereka Jakobo, Jakobo adhobereka Judha, nadzidiki wache. 3 Judha adhobereka Faresi na Zara mukadzi wache Tamari, Faresi adhobereka Arami. 4 Arami adhobereka Aminadhabhi, Aminadhabhi adhobereka Nasoni, Nasoni adhobereka Saremoni, 5 Saremoni adhobereka Bhoasi mukadzi wache Rahabi, Bhoasi adhobereka Obhedhi mukadzi wache Rute, Obhedhi adhobereka Jhesi. 6 Jhesi adhobereka mambo Dhavidhe, Dhavidhe adhobereka Soromoni mukadzi wa Uria. 7 Soromoni adhobereka Roboami, Roboami adhobereka Abia, Abia adobereka Asafa. 8 Asafa adhobereka Josafati, Josafasi adhobereka Joramu, Joramu adhobereka Ozia. 9 Ozia adhobereka Jotamu, Jotamu adhobereka Ahazi, Ahazi adhobereka Ezakia, 10 Ezakia adhobereka Manase, Manase adhobereka Amoni, Amoni adhobereka Josia. 11 Josia adhobereka Jekonia na adzidiki wache na nhawi yakupfudziwa kwa Babironi. 12 Panhawi wakupfudziwa kwa Babironi, Jekonia adhobereka Saratieri, Saratieri adhobereka Zorobaberi. 13 Zorobaberi adhobereka Abiudi adhobereka Eriakimi, Eriakimi adhobereka Azori, 14 Azori adhobereka Sadoki, Sadoki adhobereka Akimi, Akimi adhobereka Eriudi. 15 Eriudi adhobereka Ereazari, Ereazari adhobereka Matani, Matani adhobereka Jakobo. 16 Jakobo adhobereka Josefa, mulume wa Maria, iye adhobereka Jeso, anchedzewa Kirisitu. 17 Naizvozvo madzinza yese kuyambira kuna Abrahama pakana kuna Davide yakali madzinza yanakumi namanayi, kuyambira kuna Davide kusvikira pakupfudziwa kwa Babironi, kusvikira kuna Jeso Kirisitu madzinza yanakumi namanayi. 18 Kuzvahwa kwa Jeso Kirisitu kukhagere dhenzi, Maria mai wache , adhoti wakonzewa na Josefa, achanati aziwana, adhowonewa ana mimba na mudzimu wakuchena. 19 Tsono Josefa mulume wache zvaakhali munhu wabwino, asingade kumupasa manyadzi, adhofunga kumuleka chiziriri. 20 Tsono adhoti achikumbukira izvozvi, nangatsa nhumwe ya Dhedza adhozviwonesa kunaiwo pakulota, adhoti, Josefa, mwana nhulume wa Davide namphodi kuita wuchi kutola Maria, mukadzi wako, tangwe chaadhopasiwa mukati mache ndi chamudzimu wabwino. 21 Iye achapona mwana nhulume, anzomupasa zita lakuti Jeso, nakuti ndiye achachidza wanhu wache pazvakuyipa zvawo. 22 Zvesezvi zvidhoitiwa kuti zviyitike zvidhonhayiriwa na Dhedza, namulomo wa mupolofita adoti, 23 Nangatsa mhandala ichayita mimba, ichapona mwana nhulume, achamupasa zita lakuti Emanuwere, nakuti kana zvichitsumbudzuliwa kuti , Dhedza inaisupano. 24 Tsono Josefa adhomuka pahope dzache adhoita ninga zvaadolayiridziwa na nhumwe ya Dhedza, adhotola mukadzi wache, 25 nakundomuziwa kusvikira apona mwana nhulume wache wakuyamba , nakumupasa zita lakuti JESO.