Matewu 2

1 Jeso adhoti wazvahwa paBeterehema laJudiya, pantsiku dza mambo Herode, nangatsa, wakungwala adhosvika paJerusarema achiwuya nakumabverazuwa, 2 adhoti, ulipoyi mambo wawaJuda udopozvahwa. nokuti tidhowona nyenyedzi yache kumabverazuwa, tauya kudzomunamata. 3 Mambo Herode achizvimva, adhomanikidziwa, naJerusarema lese nayiye. 4 Adhokokera apirisita akulu wose na anembi wese wawanhu, adhobvunza kuti Kirisitu uchazvahwihwa poyi. 5 Adhoti kunaiwo , PaBeterehema laJudeia, nakuti ndizvo zvidonembewa namupolofita kuti, 6 Nawa Beterehema, nyika yaJudeia, Hausi mudiki maninge kuwabati waJudha; Nakuti kunaiwepa kuchabula mutungamiri, Uchabusa wanhu waIziraeri. 7 Tsono Herode adhodanidza wakuchenjera, ali yega, adhomubvunzitsitsa nguwa idhowoneka nhenhedzi nayo, 8 adhowatuma Beterehema, adhoti, endai mukabvunzitsitse zvamwana; kana mukamuwona, mundiwudze, kuti naniphanowo ndiwuye kudzomunamata. 9 Adhoti wamva Mambo, adhoyenda; tsono nangala nhenhedzi yaakhadowona kumabverazuwa, idowatungamirira, kusvikira yayenda kamira padzulu pamumba paakhagere mwana. 10 Adhoti wawona nhenhedzi adhopfala namupfatso mukulu-maninge. 11 Adhopinda mumba, adhowona mwana naMaria mai watche; adhombwera pasi, adhomunamata; adhosudzula pfuma yawo, adhomupfupira mali, nazvinhuhwira, namvula. 12 Adoti wawudziwa pakulota naDhedza, kuti aleke kuwunza kunaHerode, adhoyenda kudziko yawo nainango nzira. 13 Adhoti ayenda, nangatsa, nhumwe yaDhedza adhowonewa na Josefa pakulota achiti; Simuka, utole mwana na amai wache, utizire Egipita, ukagale ikoko kusvikira ndichikuwudza; nakuti Herode achamunangala mwana kuti amubaye. 14 Adhosimuka, adhotola mwana amai wache usiku, 15 adhoyenda Egipita, adhokugala kusvikira Herode wapfa, kuti zviyitike zvidhonhayiriwa naDhedza namulomo wamupolofita, achiti; Ndidhodhanidza mwana nhulume abule Egipita. 16 Tsono Herode, adhoti wawona kuti wapenzwewa nawakungwala, adhokalipa maninge; adhotuma wanhu kuti akabaye wana wachinhulume wese akhagere muBeterehema napadziko lose lidhozwengeredza, akhagere namagole mawiri naadhiki kunaiwo, iri nhawe yadhomvisisa kunawakungwala. 17 18 Zvidhoitika zvidhonhayiriwa namupolofita Jeremia, achiti; Fala lidhomvika muRama, lakulila nakupfunzisa kukulu; Rakeri achilira nawana wache, Asingade kunhaladziwa, nakuti vadhobula. 19 Herode adhoti wafa, nangatsa nhumwe yaDhedza, idhowonewa naJosefa pakulota paEgipita, 20 adhoti; simuka utole mwana na amai wache, wuyende kudziko laIsraeri, nakuti akhanangala kubaya mwana wafa. 21 Adhosimuka, nakutola mwana na amai wache, adhosvika kudziko yawaIsraeri. 22 Pakalepo, adhoti achimva kuti Arkerao wagala mambo pambuto yaatsano wache Herode, adhomva uchi kukuyenda ikoko; adhowudziwa pakulota, adhoyenda kumbuto dza dziko laGalireia; 23 adhoyenda kagala kumbuto yidhaniwa Nazareta, kuti zvidhonyayiriwa namapolofita zviyitike, kuti unzodaniwa muNazareta.