Chikamu 1

1 Ndiko kutanga kweshoko lidonaka laJeso Kilisito, mwanakomana waMwali. 2 Sokunyohwa kwazvidoitiwa kuna mupolofita Isaya '''Talila, ndisakutumila nhume pambeli pako asakugadzililai nzila. 3 Kune dzinga louyo lilikukudana mulenje, 'Gadzilila nzila dzako udzilulamise. 4 Johani adouya kuzobhabhatidza mulenje nokupalidzila kunyikiwa nokutendeutsa noku lekela kwozvitema 5 . Wanhu wose wenyika yoJudha nawose weJelusalema wadoenda kwawali . Wose wakanyikiwa muhwizi Jolidhani . 6 Johane aisimila bhachi lomakushe engamela nokumanga bhande lodehwe aija hwiza nouchi hwesango. 7 Adokuwilila asiti, ''Kuno asauya anosimba linopfula langu wandisinga kwanise kumanga kana kusudzura shangu dzake. 8 Ndisaku bhabhatidzai nomvula asi iye asakubhabhatidzai nomwoya mutsvene''. 9 Izvo zvidoitika apo Jeso paadobva kuNazaleta muGalili ipopo Jeso adobhabhatidzidziwa naJohane muhwizi Jolidhani . 10 Ipopo Jeso paadobuda mumvula adoona denga lisivhulika mwoya ukadzika kwaali sonjiwa . 11 Dzinga lidobva kudenga, ''Uli Mwanalumbwana wangu wandineditsa .Ndinodada neiwe.'' 12 Ipopo mwoya udomulaila kuti abude mulenje. 13 Aiwa mulenje kwomazuva makumi mana asiyedzewa naSatani.Aiwa nomhuka dzoszngo, ipopo ngilozi dzidomuhwila. 14 Mushule mokunge Johani asungiwa,Jeso adoenda muGalili adokuwilila shoko laMwali. 15 Adoti, ''Talilanyi nguva yazadzisiwa zvokale, zvokale hwumambo hwaMwali hwapadhuze. Tendeukanyi zvokale mutende pashoko. 16 Paifamba padhuze nopaGungwa leGalili, adoona Simoni na Andulu bhuti waSimoni asikanda utawa mugungwa, nokuti waiwa walauli wehowe. 17 Jeso adoti kwawali, 18 ''Huyai mundilondole zvokale ndisakuitai walauli wowanhu. Ipopo nokukulumbidza wadosiya mambule wakamutewela. 19 Apo Jeso padofamba zvishoma, adoona Jemusi mwanalumbwana waZebhedhia na Johane bhuti wake waiwa mugwati wasigadzila kombe. 20 Adowashedza uye wadosiya baba wawo Zebhedhia wali mugwati newalanda, wakanga wakumbila pakalepo wadomutewela. 21 Ipopo vadopinda muKapenamu, uye yaiwa Sabata, Jeso adoenda muSinagogi uye aipfundisa. 22 Wose wadoshamisiwa nokupfundisa, ainga asiwapfundisa semumwe munhu anomvumo uye asingaite sewanyoli. 23 Pakalepo mumwe mulume musinagogi aiwa nomwoya wetsvina adoshedzela 24 asiti, ''Tinoitenyiko newe, Jeso weNazaleta? Mauya kuzotipaladza hele? Ndineziwa kuti ndini yani. Ndimi Moga Mutsvene waMwali. 25 Jeso adolaila dhimoni akati, ''Iwe buda maali.'' 26 Mwoya udoipa ukabuda maali akalila nodzinga likulu. 27 Wanhu wose wadoshamisika wadobvunza pachawo. ''Chinyiko icho''? Kudzidzisa kutsva kuno mvumo! Anolaila mwoya idoipa uye inomulemekedza!'' 28 Ipopo nhau yake yakaenda kule kwosekwose mumatunhu wose eGalili. 29 Musule mokubuda musinagogi, adouya mumba manaSimoni na Andulu,pamwepo na Jemusi na Johane. 30 Ipopo amezvala waSimoni waifesuka nofivhili,uye vadoudza Jeso nokuda kwake. 31 Ipopo adouya akatola janja, akalisimudza : fivhili yakabuda, wakatanga kuwashandila. 32 Madeko iyayo zuwa isati yanyula,.wadouya kwaali nowose waihwala no wakagaliwa nomadhimoni. 33 Guta lose lainge lakaungana pamusuwo. 34 Adopolesa wazinji waifesuka nozvihwele zvidosiyana uye asibulitsa madhimoni,asi ailambidza madhimoni kuti asataule nokuti aimuziwa. 35 Adomukila kuseni, kwainga kuchili nolima: adobuda uye adoenda panzvimbo idonyalala ipopo akatanga kunamata. 36 Simoni nowose waainga anawo wasimutsvaga 37 .Wakamuwana uye wakati kwaali, '''Tose tanga tisikutsvaga.'' 38 Adoti, ''ngatiende kumwewo,kule nokwakatendeledza maguta, ikoko ndinopalidza zvokale. Ndokusaka ndidouya kuno.'' 39 Adoenda muGalili mose, asipalidza muma sinagogi uye aibulitsa madhimoni. 40 Ano mapelembudzi adouya kwaali. Adomukumbila iye akati kwaali, ''Kana zvisibvila, ungandi chenese. 41 ''Asifamba notsitsi,Jeso adosimudza janja uye adomubata, adoti kwaali, ''Ndinobvuma, Chena. 42 ''Nokukulumbidza mapelembudzi adopela uye adochenesewa. 43 Jeso adomutsula zvidonyanya akamuendesa kule. 44 Adoti kwaali , ''Uve nochokwadi kuti usataule chelo kunani,asi enda,unozvilatidza pachako kuwa pilisita, uye unozvipila kuchenisiwa somulawo waMozisi, so chapupu kwawali. 45 Asi adoenda uye adotanga kupalidzila nhau kwose, zvidonyanya zvokuti Jeso anga asinga pinda muguta zvili pachena asi akagala munzvimbo dzidosalila. Ipopo wanhu wadolamba wasiuya kwaali vasibva kwose kwose.