Chitsauko 2

1 Wakati adzokera kapernaume, kwapinda mazuwa, akanswa kuti, Jesu ari mumba. 2 Zvadaro, ajinji akaungana mumba, panga pasina kana nzvimbo, kana pamusuwo panga pasingapindiki, iye Jesu akataura mashoko. 3 Amwe akauya kuna Jesu ne mumwe murume akaremara; warume warongomuna waimutwara. 4 Asi wanga wasikasvike kwaari nekuti panga pane wanhu ajinji. Izvozvo akabvisa denga kuti wamudzikise manga muna Jesu, wakavura padenga, wakamudzikisa murume akanga akaremara. 5 Jesu paakawona kutenda kwake murume uyu, akati kwaari: ''Mwana, zvitadzo zvako zvaregererwa''. 6 Kwaiwa wamwe warume waionerera nezwe mutemo achishushikana mumoyo mawo echifunga: 7 '' Ngei murume uyu anotaura zvakadharo? Arikunyepa! Ndiani angaregerera zvitema kunze kwa Mwari chete? 8 Ipapo, Jesu, nokuziya mumweya make zvi zvaifunga mumoyo mawo awo warume, akati kwaari: '' Ngei imi, muchifunga izvo mumoyo menyu? 9 Ndezvipi zvirinyore kutaurira murume akaremara: 'Zvitema zvako zvaregererwa', kana kuti: 'Simuka, ufambe'? 10 Asi munoziwa here kuti Mwanakomana we Munhu ane simba rekuregerera zvitema zvose panyika yose,'' akati kune wakaremara: 11 '' Ndinokuudza: Simuka, uende kumbakwako''. 12 Iye Ndokusimuka ndokubuda paamba pamberi pe wanhu wese, wanhu wakashamisika nazvo ndokupa kutenda kuna Mwari echiti: ''Isu atina kumbowona zvino zvakadai''. 13 Iye akabudazve kuenda ku gungwa, wanhu wajinji wakauya kwaari, iye wai adzidzisa. 14 Wakati arikudarika akawona Levi, mwana wa Alfeu akanga akagara pa nzvimbo yekubadarisa michero, ndokuti kwaari: ''Nditewere.'' Iye wakasimuka ndokumutewera. 15 Jesu aripatafura mumba ma Levi, wateresi wajinji ne watadzi wairya naye ne watereri wake, nokuti wajinji waimutewera. 16 Wanyori wemafarizeu paakawona kuti Jesu arikurya newatadzi, newateresi, wakati kuna wadzidzi wake: ''Ngei Iye anorya ne watadzi, ne wateresi?''. 17 Jesu akati achinswa, akati kwaari: ''Wanhu wakagwinya awadi warapi; asi waya wanorwara wanoda warapi. Andina kuya kuzodaidza wakarurama, asi watadzi. 18 Wadzidzi wa Johani ne wa farizeu wachitsanya. Wakauya wamwe wechiti kwaari: ''Ngei wadzidzi wa Johani ne wadzidzi wemafarizeu warikutsanya asi enyu asikutsanya?''. 19 Jesu akapindura echiti: ''Zvinoita kuti waeni we muchato atsanye chikomba chiripo here? Kana chikomba chiripo, waeni afaniri kutsanya. 20 Asi achaswika mazuwa ekuti chikomba chichabviswa kwaari, ne nguwa iyona wachazotsanya. 21 Apana mumwe anosonera chigamba che mbasha itswa pa hembe yekare, nekuti zvikazodaro, chigamba chingazobvanyangudza hembe yekare. 22 Apana mumwe anoisa waini itswa mu hombodo yekare; iye akadaro, waini inoparutso, waini ne hombodo ikaruzika. Pane kudaro, inoiswa waini itswa mu hombodo itswa. 23 Kwakati nezuwa re Sabata, Jesu wakapinda nemu munda, wadzidzi wake wakavura gwanza wei bvisa zvisimo kuti Jesu apinde. 24 Wa farizeu wakati kwaari: ''Murikuwona, ngei wanoita zvinhu zvisikatenderwe nezuwa re Sabata?''. 25 Iye akati: '' Amuna kuwerenga here zvakaita Davidi paakashaya che kurya ne wanhu wakanga anaye? 26 Sei wakapinda mumba ya Mwari uku Abiatar wanga ari muprista ne kurya chingwa chekuratidza, zvakanga zvisikatendedzwi kurya nemumwe munhu kunze kwa muprista ega, akapa kwaari waya waiwa naye? 27 Jesu wakapindura echiti: '' Sabata rakaitirwa munhu, kwete munhu pa Sabata. 28 Naizvozvo, Mwanakomana we Munhu ndie ishe we Sabata''.