Zvakadhudzirwa 13

1 Hino ndakaona, retchibhudha mubhahari, rimwe zitchirombo ranga rine nyanga gumi, uye nomusoro dzinomwe, munyanga dzaro, manga muno corona gumi, uye, musoro dzese, dzanga dzakanyorwa zina rokutuka. 2 Zitchirombo randakaona ranga rakaita se bhishao remushango, asi ranga rine mirenje se dzebhere, uye muromo waro wangawakaita se mhondoro. Shato yaka simbarayo, notchigaro tchao uye nosimba rayo guru roku tonga. 3 Umwe musoro wetchirombo wangawakaita se unotchironda tchorufu, asi tchironda tchakapora. Uye panyika anhu ese akadhakara nokushamisika uye akatera zitchirombo. 4 Uye akanamata Shato nokuti ndiyo yakapa simba zitchirombo. Uye akanamata zitchirombo, etchiti: "Ndiani wakatodzana no zitchirombo?" uye "Ndiani anga pondana naro?". 5 Zitchirombo rakaphuwa muromo yokuti buya nawo zviro zvekutuka uye zvekudzikudza. Rakatenderwa kutonga munguwa inokwana magumi marongomuna nemairi emwedzi. 6 Uye rakafungura muromo waro kuti rituke Mwari: rituke zina raMwari, kuno gara Mwari uye no anogara kudhenga. 7 Rakatenderwa kuita hondo kuno atswene uye kuri kuwa kuwanyisa. Uye rakaphuwa simba rokutonga madzinza, mutauro dzakasianasiana, anhu, uye nonyika dzakawanda. 8 Akarinamata ese anogara panyika, aya asinazina muBuku reUpenyu ra Gwayana, uya akauraiwa kubva mawambo enyika. 9 Kana kuri nomunhu anonze, ngazwe. 10 Kana kuri nomunhu wakatorwa kwendeswa mutorongo, mutorongo anomuenda. Kana akauraiwa nobhanga, nobhanga atchafa. Kuripano kumwe kudhaidzwa kunonzwi kushingirira uye nokutenda kuno atswene. 11 Zvino ndakaona zitchirombo rimweni retchibhudha panyika, ranga rine nyanga mbiri se mbudzi, uye raibuya se shato. 12 Raisenzesa simba rese rekutonga retchirombo tchokutanga pamberi paro uye raita kuti nyika uye ne ararami ayo anamate zitchirombo tchokutanga, riya rakaporeswa tchironda tchorufu. 13 Uye raiita zvishamiso zvikuru, kudzamara rakutchitisa muriro kudhenga kuya panyika. 14 Ngondaya yezviratidzo zvarakatenderwa kuita, irona raitsotsa ararami enyika, etchiati ngaite tchifananidzo kuri kuremekedza zitchirombo raakauraiya nobhanga, asi rakamuka rikawhirira kurarama. 15 Rakatenderwa kuti ripe kurarama tchifanidzo tche zitchirombo, kuitira kuti tchifananidzotcho tchirekete uye kuuraya ese asikanamati zitchirombo. 16 Irona rakamanikidza ese, adhoko uye nowakuru, apfumi, arombo, akasungurwa, asenzi, kuti akandwe tchiratidzo mumoko kwawo kana kuti pameso, 17 kuitira kuti akuna anozo tengesa kana kutenga, kunze ke aya anotchiratidzo, uye nditcho zina rayo kana mutengo wezina rayo. 18 Apa pano kuziya. Uya anonyasakubhata ngaiite matematica wemutengo wezitchirombo, nokuti mutengo we munhu, uye newaro ndiwo mazana matanhatu nomagumi matanhatu nozvitanhatu.