Ndima 2

1 Saka haunepembedzo iwe munhu, unotonga vamwe; nokuti pachiro icho chaunotonga mumwe nacho, unozvipa nyaya kwauri. Nokuti iwewe, unotonga unoita zviro izvozvo. 2 Asi tinoziya kuti kutonga kwaMwari ndekwechokwadi kune vanoita zviro zvakadai. 3 Asi ngwarirai izwi: Iwe munhu, unotonga vamweni vanoita zviro zvakadai, iwewe wechizviita vo, ungatizazo kutiza kudini kutonga kwaMwari ? 4 Kana wechiyeisa kufuma kwekunaka kwake, nemoyo wake wakanaka, nekuemera kwake, usingazivi here kuti kunaka kwaMwari kwunokuisa pakutendevuka? 5 Asi kuoma kwako nekutama, nomoyo kutendevuka, kwe moyo vako kwaununganidzira kwauri kutsamwa nezuva nezuva rekutsamwa, nekukhombedzwa kokutonga kwakatendeka kwaMwari. 6 Ena uchapa mumwe nomumwe kuchanda kwemabasa ake: 7 kune avo Vanotsvaka kugwinyisira ne mabhasa akanaka, anotswaka chiedza , nokukudzwa nekutsungirira pakuita zvakanaka, Ena uchavapa hupenyu hwusingaperi. 8 Asi kuchauya kutsamwa nehasha kunevanenharo, vasingateereri chokwadi, asi veiterera zvisinakutendeka. 9 Mwari wachaundza kutambudzika nenhamo kumweya mumwe nomumwe womunhu wakaita zvakachata, pekutanga wemuJudha, newomuGiriki. 10 Asi kubwinya, nokukudzwa, norugare kutcha uya kune veshe vanoita zvakanaka, kune muJudha kana kune muGirikivo. 11 Nokuti Mwari haatendi zvinovonekwa zvomunhu. 12 Nokuti veshe vakatadza vasinamurairo vachaparadzwa, ne veshe vakatadza vanomurairo, vachatongwa nomurairo. 13 Nokuti vanzwi vomurairo havasi avo vakatendeka pamberi paMwari, asi vaiti vomurairo ndivo vanoruramiswa. 14 Nokuti kana vahedheni vasinomurairo vachiita pachavo zviro zvomurairo, vachava murairo wavo vamene. 15 Nokuti vanokhombedza basa romurairo wakanyorwa mumoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwe chete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza. 16 Izwi zwichaitika nezuva iro rokuti Mwari vanozotonga zvakafishiika zwevanhu veshe, kubudhikidza ne vangeri rangu, naJesu Kristu. 17 Asi kana iwewe unonzi muJudha, unovimba nomurairo, unozvirumbidza munaMwari, 18 unoziva kuda kwake, nokutenda kuti zvakanaka ndezvipi, uchidzidziswa nomurairo, 19 kuti iwewe ueizviti uri mutungamiriri wemapofu, nechiedza chevayani vari murima, 20 nomurairi wamapenzi, nomudzidzisi wevacheche, zvaunomufananidzo wokuziva newechokwadi pamurairo, saka zvinga ngena sei mukurarama kwako? 21 Iwewe unodzidzisa vamweni, unoregerei kuzvidzidzisa? Iwewe unoparidza kuti munhu aregere kuba, unoba? 22 Iwe unoti usaita hupombwe, unobomba? Iwe unosema zvifananidzo, unobira maTembere ? 23 Iwe unozvirumbidza nomurairo, unoshovora Mwari nokudarika murairo neiko? 24 Nokuti, sezvazvakanyorwa zita raMwari rinomhurwa pakati pavahedheni nokuda kwenyu. 25 Nokuti kutchetcheuswa, zwechokwadi, kunobatsira, kana iwewe uri muiti wemurairo; asi kana uri mudariki wemurairo, kutchetcheuswa kwako kwavakusakutchetcheuswa. 26 Kana uyo usina kutchetcheuswaachichengeta zvirevo zvomurairo, ko kusadzingiswa kwake hakunganzwi kutchetcheuswa here? 27 Nousina kutchetcheuswa kubva pakuzvarwa kwake, kana achichengeta murairo, haangakutongi here iwewe unodarika murairo, kunyange ne zwinyorwa ne kutchetcheuswa, uri mudariki we murairo! 28 Nokuti uyo haazi muJudha, uri muJudha pakuvonekwa chete; kana nokutchetcheuswa hakusi kona kunovonekwa kubanze kwe nyama. 29 Asi muJudha ndiye uri nechomukati, nekutchetcheuswa ngekwe moyo mumweya, kusiri kwegama. Ena haarumbidzwi nevanhu, asi naMwari.