Kunza 2
1
Uye Jona wonamata kuna Yahweh, Mwari wake, mundani me howe.
2
Uye akati: Pakutambudzika kwangu ndadhana Yahweh uye Iyena wondidhaira; ndiri mundani me Sheor ndakadhaindzira kubhatsirwa uye Imwimwi makazwa izwi rangu.
3
Imwimwi mandikandira pasi pakadzika, pamwoyo pe mabhahari, uye mawimbi akandikomberedza; mawimbi enyu ese uye ne kupipira kwenyu kakapinda nepamusoro pangu.
4
Zwadharo inini ndakatsa ndetchiti: Ndadzingirwa pamberi pemadziso enyu; nditchapetukazwe, kuwona Tyemberi yenyu swene here?
5
Nvura yakandikomberedza dzamara pamwiya; rima rakange rakandikomberedza, mashango emunvura akatenderera musoro wangu.
6
Inini ndikatchita dzamara kumatsidzikiro emakomo; musuwo dze nyika dzikandifungira patchose. Kunyangwe zwakadharo, makapetudza ndaramo yangu kuva murindi, imwi Yahweh,Mwari wangu.
7
Mwiya wangu pawaipera tariro mukati mwangu, inini ndakaedzurira Yahweh; nekudharo munamato wangu ukakwira dzamara kwamuri, pa Tyemberi Yenyu swene.
8
Aya akawimba ne zwidori zwemanyepo anoita kuti ngoni dzenyu dziwe kure nawo.
9
Kwandiri, nditchamupasai zwipiriso ne izwi re kutenda; zwandakawimbisa, nditchazwiita. Ruponeso ngera Yahweh!
10
Wakabuya Yahweh kune howe, iyo ikarutsa Jona kundze kwe bhahari.