Kunza 2

1 Uye Jona wonamata kuna Yahweh, Mwari wake, mundani me howe. 2 Uye akati: Pakutambudzika kwangu ndadhana Yahweh uye Iyena wondidhaira; ndiri mundani me Sheor ndakadhaindzira kubhatsirwa uye Imwimwi makazwa izwi rangu. 3 Imwimwi mandikandira pasi pakadzika, pamwoyo pe mabhahari, uye mawimbi akandikomberedza; mawimbi enyu ese uye ne kupipira kwenyu kakapinda nepamusoro pangu. 4 Zwadharo inini ndakatsa ndetchiti: Ndadzingirwa pamberi pemadziso enyu; nditchapetukazwe, kuwona Tyemberi yenyu swene here? 5 Nvura yakandikomberedza dzamara pamwiya; rima rakange rakandikomberedza, mashango emunvura akatenderera musoro wangu. 6 Inini ndikatchita dzamara kumatsidzikiro emakomo; musuwo dze nyika dzikandifungira patchose. Kunyangwe zwakadharo, makapetudza ndaramo yangu kuva murindi, imwi Yahweh,Mwari wangu. 7 Mwiya wangu pawaipera tariro mukati mwangu, inini ndakaedzurira Yahweh; nekudharo munamato wangu ukakwira dzamara kwamuri, pa Tyemberi Yenyu swene. 8 Aya akawimba ne zwidori zwemanyepo anoita kuti ngoni dzenyu dziwe kure nawo. 9 Kwandiri, nditchamupasai zwipiriso ne izwi re kutenda; zwandakawimbisa, nditchazwiita. Ruponeso ngera Yahweh! 10 Wakabuya Yahweh kune howe, iyo ikarutsa Jona kundze kwe bhahari.